Kwayedza

Tanganda Half Marathon yadzoka

Tendai Tagara

Abel Ndooka

SHANGWITI dzemujaho wekumhanya dzemuZimbabwe nepasi rose dziri kutarisirwa kukwikwidza mumujaho weTanganda Half Marathon uyo uchaitwa svondo rinotevera.

Mujaho uyu wadzoka gore rino zvichitevera kumiswa kwawainge wambaoitwa makore maviri adarika nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakaona mitambo yose ichimbomiswa senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Mutungamiri wesangano reNational Athletics Association of Zimbabwe – Tendai Tagara – anoti mujaho weTanganda Half Marathon wakakosha zvikuru munyika sezvo uriwo wavanoshandisa kusarudza vamhanyi vanozonomirira nyika kumijaho mikuru yakaita seWorld Half Marathon.

Mujaho weWorld Half Marathon gore rino uchaitirwa kunyika yeChina munaGumiguru uye shasha dzinohwina paTanganda Half Mara[1]thon dzinobva dzawana tikiti rekuenda kumujaho mukuru uyu.

“Zvinhu zvinofadza kuti mumwe wemijaho mikuru munyika medu weTanganda Half Marathon wadzoka. Uyu mujaho mukuru wataigara tichitarisira makore ose sezvo uriwo watinoshandisa kusarudza vamhanyi vanozonomirira nyika kuWorld Half Marathon.

“Saka tinotenda vakotsveri vedu veTanganda nekutirongera mujaho uyu uyo wakatikoshera pamwe nevamhanyi vedu vakasiyana.

“Vachahwina mumujaho uyu vachangobva vawana tikiti rekuenda kuChina munaGumiguru kunomirira nyika kumujaho weWorld Half Marathon,” anodaro Tagara.

Farai Garai anove operations manager kuTanganda Tea Company anoti vanonzwa manyukunyuku nekudzoka kwemujaho uyu.

“Tatarisira kudzoka kwemujaho wedu uyo tange tave nemakore maviri tisiri kuronga nekuda kweCovid-19 sezvo inguva iyo taifanira kumbochengetedza hupenyu hwedu.

“Tiri kutarisira shangwiti dzinomhanya dzinodarika 1 000 kuuya kuzokwikwidza nekuti kune vakawanda vari kugara vachiridza nhare vachida kunzwa nekunyoresa mujaho uyu,” anodaro Garai.

Shasha dzekumhanya marathon dzinoti Misheck Sithole naOlivia Chitate ndivo vakapedzisira kuhwina mujaho weTanganda Half Marathon mugore ra2019.