Kwayedza

Tichapedzerana neBurkina Faso: Mpandare

Wellington Mpandare

Abel Ndooka
MANEJA wechikwata chenyika chemaWarriors – Wellington Mpandare – anoti vari kutarisira kuti vachatamba nhabvu yepamusoro apo vari kusangana neBurkina Faso nhasi mumutambo wavo wechipiri wemuGroup A Africa Nations Championship (CHAN) kuCameroon.

Mutambo wekutanga wemaWarriors wakatambwa nemusi weMugovera wadarika apo vakakundwa 1-0 neCameroon.

Mpandare anoti kupedza nguva refu vatambi vasingatambe nhabvu uye kuvhiringidzwa kwavakazoitwa neCovid-19 kwakakonzera kuti chikwata chavo chisatambe zvakanaka.

“Zvange zvisiri nyore kwatiri nekuti nhabvu munyika haisi kutambwa kwegore rose uye kuzoti iyo Covid-19 yakativhiringidza zvikuru gadziriro dzedu dzeCHAN.

“Chimwezve, mutambo wekutanga wagara unonetsa muchitamba nechikwata chinenge chiri pamusha pacho. Asi tinotarisira kusvika kure,” anodaro Mpandare.

Anoenderera mberi achiti,”Tinotarisira kuti tichatamba zvakasiyana patiri kusangana neBurkina Faso. Yakati simbei kudarika Cameroon zvayo.”