Kwayedza

Tinogona kutora ‘coach’ wekunze: ZIFA

Abel Ndooka

SANGANO rinotungamirira nhabvu yemuno reZimbabwe Football Association (ZIFA) rinoti rinogona kugadza mumwezve murairidzi wechikwata chenyika chemaWarriors wekunze kana wemuno kuti agotsiva Zdrvako “Loga” Logarusic uyo akadzingwa basa kutanga kwesvondo rino.

Zvichitevera kudzinga kwavakaita Loga basa, ZIFA iri pakati pekutsvaga murairidzi wekutsiva chizvarwa chekunyika yeCroatia ichi, icho chakakwanisa kurairidza mitambo 14 chete yemaWarriors ndokuhwinha mumwe chete.

Pari zvino ZIFA ichambogadza murairidzi anongofanobata chigaro ichi kwekanguva kadiki uyo vachapa basa rekutungamira maWarriors mumitambo yemwedzi unotevera apo achange achirwirira tikiti rekuenda kuQatar World Cup.
Mutungamiriri weZifa – Felton Kamambo – anoti ZIFA yatanga basa rekutsvaga murairidzi anotsiva Loga.

“Zvichitevera kupesana kwatakaita naLoga, veruzhinji vangade kuziva kuti tinogona kugadza mumwe murairidzi wemaWarriors anove chizvarwa chekunze kwenyika asi hunge kana ane magwaro akakwana uye akatifadza patinoita hurukuro naye.

“Iye zvino tave kushambadza basa iri tichitsvaga murairidzi mutsva anouya kuzotungamira chikwata chedu.
“Saka basa iri tinogona kungopa chero murairidzi, angave wemuno kana wekunze anenge atifadza ane zvatiri kutsvaga ndiye achapinda panyanga,” anodaro Kamambo.

ZIFA yainge yambovimbisa kuzivisa murairidzi achafanobata chigaro ichi musi weChipiri svondo rino usati wadarika asi haina kuzoita saizvozvo.

Mumitambo 14 iyo Loga akarairidza maWarriors, akangokwanisa kuhwina mumwe chete, ndokuita mangange mishanu uye ndokukundwa misere.

Zvisinei, asiya maWarriors abudirira kuenda kumitambo yeAfrica Cup of Nations iyo ichatambwa gore rinotevera kuCameroon.
Asi, asiyawo chikwata chenyika ichi chiri pasi muGroup G murwendo rwekurwira kuenda ku2022 Qatar World Cup apo chiine chibodzwa chimwe chete kubva mumitambo miviri yachatamba kusvika pari zvino.

Mwedzi unotevera, maWarriors achasangana neGhana mumitambo miviri yakatevedzena yekurwira kuenda kuQatar iyo vanofanirwa kuhwina kuti varambe vaine mukana.