Kwayedza

Todzokera kure kwatakabva

Bembera PadareĀ 

naWedzerai Nhemachena

KANA vana vachitamba kumahumbwe vachigadzirira upenyu huchazouya pamberi apo vakura, vanorwirana motokari dzinopfuura mumugwagwa, mumwe achiti iyi ndeyangu, iyo ndeyangu asi zvisingazivikanwi nevaridzi vemotokari idzi.

Anotaura nezwi riri pamusoro uye aine simba rekutyisidzira vamwe vanodawo motokari dziri kupfuura mumugwagwa, ndiye anoenda kumba achinzi ane motokari dzakawanda uye dzakanaka.

Ndizvo zvimwechetezvo nemifananidzo yedzimba dzavanoona mumabhuku. Vasina simba uye vasina mazwi makuru asi vachidawo vanotopanyarara nokuti vanokwaturwa mbama kana vachida zvadiwa nevane masimba.

Mutambo wevana uyu kana vakashaya anovadzora, vanokura vakadaro kanapo vachikundikana kuchikoro, makoreji kana mayunivhesiti edzidzo dzepamusoro.

Unotozongoshamisika wonzwa kuti vave kufamba nemotokari yemhando, vave nemapepa edzidzo yavasina kumboendera kuchikoro, vave nedzimba dzavasina kupihwa nemakanzuru, kana mapurazi avasina kupihwa nebazi rinoona nezvekugoverwa kwevhu.

Unozoshamisika nekuona kuti pose pavanotungamira kuti inga dzimba dzatakasiirwa nanasekuru vedu vakafa kare dzava kuita matongo takatarisa. Kuti ubvunze kuti ko chii chiri kumboitika pamusha pano unoudzwa nhoroondo dzisingambonzwisisika.

Asi chinonzwisisika chete apa ndirwo ruzivo rwekuti tava kudzokera kure-kure shure kwatakabva isu tambenge tasiiwa pakanaka nanasekuru vedu.

Zvino anodzosera musha shure ndiani? Munhu uyu anoda kuzivikanwa. Kana azivikanwa totsvaga nzira yekumurapa nayo nokuti ane hurwere hukuru hune ngozi kudzinza rose.

Kazhinji munhu ane hurwere hwakomba sezvizvi haabvume kubatsirwa kuti aite zvakanaka, apore agofamba zvakanaka nevamwe.

Anotogona kukurwisa kana hurwere uhwu hwakurisa.

Vamwe vedu tisu tinokonzera kuti murwere asarapike nokuti tinomukurudzira kudya kunomupa hurwere uhwu. Kana tamupa hurwere uhwu isu pane zvatinowana pakurwara kwemunhu uyu.

Saka musha wese wofira mafufu auri kuwana uchidzorera musha wose kana kambani yose kumashure here nhai vanhuwee?

Tinozogona kubvako here kusvika patakasiirwa nanasekuru vedu vakativakira dzimba mhenyu nemakambani atadai kupaza tichipembedza hurwere hwakaipisisa kudai?

CHENJEDZO:

Dare rino rinobvunza imi amai, imi baba mugere pamusha wamusina kupihwa nasadunhu kana ani zvake, imi mukoma mave nemarezinesi ekuchovha motokari asi musina kana kumbopfuura neku VID asi makaigirwa rezinesiro kumba sekunge ratengwa musupamaketi, iwe hanzvadzi wakapihwa gwaro rechikoro usina kana kumbodzidziswa asi wakapirwa chiso chako chakanaka, zvino basa racho ucharigona here kutungamira musha, kambani kana nyika yako?

Dare rino rinotizve zvatiri kuita izvi zvinodzorera misha yedu, mitunhu yedu, zvikoro zvedu, zvipatara zvedu, makambani edu nenyika yedu kure-kure kwatakabva vasinamabvi vasati vauya munyika yedu.

Tiri kukuonai zvedu kuti hamuchada kushandisa midziyo, misha neminda yamakasiirwa yakanaka muchitidzorera kure-kure shure kwatakabva.

Munoda kuti isu tichiwana chii mumatongo iwaya?

Musadaro imi, farirai misha yenyu, makambani enyu, nenyika yenyu yechipikirwa.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.