Kwayedza

Tsika yechimutsamapfihwa nekurarama kwanhasi

Mambo Zimunya

Kingstone Mapupu

PASICHIGARE, kune tsika yaiitwa inodaidzwa kuti chimutsamapfihwa kana kuti chigadzamapfihwa apo mudzimai kana ashaika ari kumurume, kwaitorwa munin’ina wake kana muzukuru mwana wehanzvadzi, achinogara semukadzi wemurume asiiwa nemufi.

Kwayedza inoongorora tsika iyi uye kuti ichiri kutevedzwa zvakadini mukurarama kwanhasi.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vekwaZimunya, kwaMutare kudunhu reManicaland, vanoti tsika iyi yaiitwa zvakanyanya pachinyakare uye nanhasi kune vamwe vachiri kuitevedza.

“Mukuwasha kana akaroora zvakanaka uye asina jeredzwa (chikwereti) uyewo achiwirirana nemadzitezvara, akashaikirwa nemudzimai wake, madzitezvara nemadzitete vanogara pasi voona kana zvakakodzera kuti apihwe mumwe mudzimai anova munin’ina wemudzimai ashaika kana kuti muzukuru mwana wehanzvadzi anonoita chigadzamapfihwa. Vamwe vanoti chimutsamapfihwa,” vanotsanangudza Mambo Zimunya.

Vanoti tsika iyi inoitwa kuchitevedzwa chivanhu zvichifambirana nematunhu acho.

“Nguva zhinji, kana paine kuwirirana kwemukuwasha nemudzimai wake nemadzitezvara, nyaya yechimutsamapfihwa inogara yakataurwa kare kuti kana mudzimai atanga kufa munin’ina wemufi ngana ndiye anozoita chimutsamapfihwa. Iye musikana wacho kana muzukuru anotogara akatotaurirwa oonekwa kuti anowirirana nazvo here uye kana asingade kotsvagwa mumwe,” vanodaro.

Mambo Zimunya vanoti mudzimai wechimutsamapfihwa anotoroorwa zvakare zvisinei kuti mufi anenge akabvisirwa pfuma kare.

Pamusoro pezvo, mudzimai uyu anonotarwa nevemhuri yekumukuwasha apo kunouya madzitete netswanda yehupfu hwemudzvurwa nezvimwe.

“Vemhuri yekumukuwasha vauya kuzotara, mudzimai wechigadzamapfihwa anozoperekedzwa nemadzitete ake kuenda kumba kwemukoma kana kwatete vake achinopinzwa muimba yekubikira yemufi. Anosvikogadzikirwa poto pamoto yekudya kwekutanga kubikira murume akasiiwa nemufi, zvinoreva kumutsa mapfihwa emukoma wake kana kuti tete vakashaya.”

Mambo Zimunya vanoti mudzimai wechimutsamapfihwa haavakirwe imba yekubikira itsva, asi anoshandisa yagara iripo uyewo mumba yemukati anosevenzesa yaiva yemufi zvose nezvinhu zvinosanganisira mubhedha nezvimwe.

“Mudzimai wechimutsamapfihwa anochengeta mhuri yasiiwa nemufi achitonzi amai nevana vasara. Kunyange akazoita vakewo vana, hazvifanirwe kuva nemusiyano nevaye vakafurwa,” vanodaro.

Vanoti chimutsamapfihwa hachina kunyanya kusiyana nezvinoitwa pakugara nhaka.

“Mudzimai wechigadzamapfihwa anobvisirwa pfuma yose kwatezvara inosanganisira mombe yehumai, mombe dzedanga nerimwe roora rose. Anopururudzirwawo sezvinoitwa muroora mutsva.

“Asi vamwe vanasikana vemazuva ano havachada tsika iyi, vanoda kuzvitsvagira vavo varume nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira zvirwere zvepabonde,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti mweya wemufi unogona kugara pamunin’ina kana muzukuru wake uchimuti aende kunochengeta vana vakasara vasina amai.

“Nenzira iyi mafambiro ezvinhu haanetse, agarwa nemweya uyu anobvuma pasina dambudziko.

“Asiwoka, tsika iyi ine zvayakanakira nezvayakaipira. Pamitemo yedu semadzishe neyenyika, tsika iyi yava kutorwa sekumbunyikidza kodzero dzevanhukadzi nekuti munhu anofanirwa kuzvitsvagira murume waanoda kwete kuita wekupihwa,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mai Shiella Tawodzera (42) vanogara mumusha weOld Highfield, muguta reHarare, vanoti tsika yechimutsamapfihwa haina chakaipa.

Mai Shiella Tawodzera

“Vakuru vedu vaiziva kuti iwe mudzimai ukafa vana vako vanoda anosara achichengeta pane kuzotsvagirwa mumwe mukadzi vana votanga kubatwa huchapa. Hapana paungabate huyanga vana vemukoma kana tete vako,” vanodaro Mai Tawodzera.

Vanoti dambudziko ringangovapo riri pakugovana kwepfuma kana mudzimai wechigadzamapfihwa azoitawo vana vake pamusha apa.

“Tinoona kuti panozova nekusarura vana, kana mudzimai wechimutsamapfihwa aitawo vana vake anenge ava kuita kuti vazowana chikamu chikuru pakugovewa kwepfuma yepamusha, kazhinji kana murume azofa,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti tsika iyi kumbunyikidza kodzero dzevanhukadzi.

Asst Comm Nyathi

“Munhu anofanirwa kuzvitsvagira murume kana mudzimai waanoda kwete kunzi enda unogara nemurume wasisi kana watete, imhosva iyoyo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mai Evelyn Benyure (38) vemumusha weKambuzuma Section 2, muHarare, vanoti tsika yechimutsamapfihwa yakanaka pakuchengeta vana vasiiwa nemufi.

Mai Evelyn Benyure

“Tsika iyi yakanaka nekuti ini ndikaenda kunogara nemurume wasisi vangu, ndinobata vana vakasiiwa zvakanaka nekuti ndevangu. Murume akazotsvagawo mumwe mudzimai wekunze anobata vana ivavo zvakaipa,” vanodaro Mai Benyure.

Kuchiti William “Masvingo” Masvinu (50) wekwaGutu, kuMasvingo, uyo akambotora mukombe wekunyangara pameso munyika yose weMr Ugly makore adarika, anoti tsika yechimutsamapfihwa inodzvinyirira vanhukadzi.

William Masvinu

“Ini chaiye Masvinu wekuipa ndakazvitsvagira wangu ndoga wani! Musamanikidze vanasikana kuroorwa nevanhu vavasingade, mukadzinwako kana akafa zvavharana,” anodaro Masvinu.

Mai Henrietta Benyure (36) vanobva kwaNyamakosi, kwaMambo Chimoyo, kwaMutoko, vanoti tsika iyi yakanaka pakuti inobatanidza mhuri nekuchengetedza vana vasiiwa nemufi.

“Tsika yechimutsamapfihwa yakanaka zvikuru kunyangwe iine zvimwe zvayakaipira. Ini ndikafa, munin’ina wangu akauya kuzogara nemurume wangu achichengeta vana hapana chakaipa pane kuti murume atsvage mumwe mudzimai wekunze. Kwandiri uyu mwana weropa, honai tinonzwa kupiswa kwevana vamwe vachipondwa inyaya yekuti murume anosara otora mumwe mudzimai wekunze,” vanodaro Mai Benyure.

Asi Emilly Makambe (30) wekuGlen View, muHarare, anoti tsika iyi yakaipa nekuti munhu anofanirwa kuzvitsvagira murume kana mudzimai waanoda kwete kuita wekupihwa.

“Chiiko chinombonzi chimutsamapfihwa ichocho? Tsika iyi haina kunaka, ini ndinoda kuzvitsvagira wangu murume wandinoda kwete akasiiwa nasisi vakafa zvavo. Kudzvinyirira madzimai, unoguma wava kutukwa uchinzi mhuri yose kuuya kuzoungana pandiri makashaya varumeka? Yakaipa tsika iyi,” anodaro Makambe.