Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:
Chisi hachiyeri musi wacharimwa
Mugumo kana kuti mubayiro wezvinhu zvakaipa haubva wangozviratidza ipapo, asi nekufamba kwenguva zvinozoonekwa.
Zvekuita:
Pedzisa tsumo inoreva zvakafanana neyapihwa. Ndamba kuudzwa . . .

Mhinduro:
akaonekwa nembonje pahuma
* * *
Svondo rino:
Chiri mumoyo chiri muninga.
Chinhu chiri mumwoyo wemunhu hachigone kuonekwa kana kuzivikanwa. Chakafanana nechinhu chakavigwa mubako.
Zvekuita:
Chii chinonzi ninga?
* * *

Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007