Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

Chatiza gumbo, musoro waona.

Kuti munhu uite chimwe chinhu, pane chaunenge waona chikakonzera zvawaita.

Zvekuita: Tsumo iyi inoreva zvakafanana neyekuti: Pane charirova zizi harife ne. . .

Mhinduro: mhepo

* * *

Svondo rino:

Kashiri kasingapambari hakanune.

Kana munhu usingashande nekumhanyamhanya hapana zvinoshanduka muhupenyu hwako.

Zvekuita: Kununa mutsumo iyi kunoreva kuita mafuta. Asi pane muchero unoti kana waibva unonuna, unonzi chii?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007