Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

Kashiri kasingapambari hakanune.

Kana munhu usingashande nekumhanyamhanya hapana zvinoshanduka muhupenyu hwako.

Zvekuita: Kununa mutsumo iyi kunoreva kuita mafuta. Asi pane muchero unoti kana waibva unonuna, unonzi chii?

 

Mhinduro: dohwe

* * *

Svondo rino:

Kufa hwehosi inosiya imwe

Kana munhu anga ane chinzvimbo pabasa, mumusha kana muhutungamiri, akange afa anotsiviwa nemumwe. Mambo akafa kunouya mumwe mambo.

Zvekuita: Munhu anonzi hosi kana vahosi munhu akaita sei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007