Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:
Mweni haapedze dura.
Kubatsira munhu ari kudarika nepamba penyu hakuite kuti musare musisina zvekudya kana kuti mupererwe nezvekushandisa.
Zvekuita: Chii chinonzi dura?

Mhinduro: Dura imba inochengeterwa zvekudya kana zvichinge zvakohwehwa kumunda.
* * *
Svondo rino:
Zvine manenji dede kuwa mumuti.
Chinhu chinoshamisa kwazvo kuti chinhu chinosingoitwa mazuva ose chirambe kuitika kana kuti chitadze kubudirira.
Zvekuita: Chii chinonzi dede?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007