Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya:

Mhinduro yesvondo rapera:
Kure kwegava ndokusina mutsubvu.

Nekuti gava rinodisisa kudya muchero wetsubvu zvikuru, nyangwe zvikanzi muchero uyu uri kure kwazvo, gava harione kureba kwemutunhu wekuendako. Zvimwechete nemunhu, kana aine chinhu chaanodisisa kumwe kunhu, kunhu ikoko hakumuitire kure. 

Zvekuita: Tsubvu chii?

Mhinduro: Muchero unoti kana waibva unoita vana vatema.

Tsubvu dzakada kufanana nemagirepu pakukura.

* * *

Svondo rino:

Chimedza matowo akadzipwa neganda remhuru.

Munhu anozviti ane hunyanzvi kana katsika kekuita zvinhu zvinoshamisa anozokurirwa kana kunyadziswa pahunyazvi hwake nekanhu kadiki kana kuti kasina basa.

Zvekuita: Matowo chii?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007