Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

Mwana washe muranda kumwe.

Hazvinei nekuti uri munhu akakosha kwaunobva, kana ukaenda kune imwe nzvimbo kana nyika yausingazivikanwe hauwane ruremekedzo serwaunopihwa kumba.

Zvekuita: Mwanakomana washe anonzi chii?

 

Mhinduro: muchinda

* * *

Svondo rino:

Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope.

Kana pakaita dambudziko kana chinhu chinokanganisa chinenge chaitika masikati chinotadzisa vanhu kuita basa (ndima) uyewo chikaitika usiku vanhu havarare.

Zvekuita: Izwi rekuti chaza rinorevei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007