Mhinduro yesvondo rapera:
Mwana washe muranda kumwe.
Hazvinei nekuti uri munhu akakosha kwaunobva, kana ukaenda kune imwe nzvimbo kana nyika yausingazivikanwe hauwane ruremekedzo serwaunopihwa kumba.
Zvekuita: Mwanakomana washe anonzi chii?
Mhinduro: muchinda
* * *
Svondo rino:
Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope.
Kana pakaita dambudziko kana chinhu chinokanganisa chinenge chaitika masikati chinotadzisa vanhu kuita basa (ndima) uyewo chikaitika usiku vanhu havarare.
Zvekuita: Izwi rekuti chaza rinorevei?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007