Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

Kashiri kasingapambari hakanune.

Kana munhu usingashande nekumhanya-mhanya, hapana zvinoshanduka muupenyu hwako.

 

Zvekuita: Kununa mutsumo iyi kunoreva kuita mafuta.

Asi pane muchero unoti kana waibva unonuna, unonzi chii?

 

Mhinduro: mutohwe/dohwe

* * *

Svondo rino:

Kufa hwehosi inosiya imwe.

Kana munhu anga ane chinzvimbo pabasa, mumusha kana muhutungamiri, akange afa anotsiviwa nemumwe. Mambo akafa kunouya mumwe mambo.

Zvekuita: Munhu anonzi hosi kana vahosi akaita sei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007