Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

Chitaurirwa mbare dzekumusana.

Kana mbare dzikaita kumusana haukwanise kudziona. Unotongovimba nekuudzwa nevamwe asi nyangwe zvakadaro, haufe wakagutsikana nekuti zvauri kuudzwa haugone kuzvionera wega. Saka tsumo iyi inoreva kuti pane zvimwe zvinhu zvaunongokwanisa kuvimba nevari kukuudza nezvazvo nyangwe zvisingakugutse.

Zvekuita: Chii chinokonzera mbare?

Mhinduro: moto

* * *

Svondo rino:

Zviri kumwene wejira, kufuka kana kuwarira.

Munhu ane chinhu chake anoita zvaanoda nacho.

Zvekuita: Mwene zvinorevei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007