Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya – NGANO

Mhinduro yesvondo rapera:
Zvine manenji diro kuwa mumuti.
Zvinoshamisa kuti chinhu chinongosiitwa mazuva ose chizoramba kuitika kana kuti chizotadza kubudirira.
Zvekuita: Chii chinonzi diro?

Mhinduro: gudo/bveni/dede
* * *
Svondo rino:
Akuruma nzeve ndewako.
Kuruma nzeve idimikira rinoreva kunyeurira kana kuyambira. Saka kana munhu akakunyeurira, anenge akuudza zvausingazive nechinangwa chekuti ubatsirike kana kugadzirisa zvimwe zvinhu. Munhu asingakude haakunyeurire, anongokusiya wakadaro.
Zvekuita: Pedzisa imwe tsumo ine chekuita nenzeve. Kure kwemeso, nzeve . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007