Kwayedza

‘Unodanana nemurume washefu’

Tatenda Shuro
MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti murume wake akamudzingisa basa kwaaimboshanda mushure mekunge aendako ndokusvikoita mhirizhonga achimupomera kuti anodanana nemurume washefu wake. Yvonne Chakabida akamhan’arira Simbarashe Java kuHarare Civil Court achikumbira gwaro rekumudzivirira.

“Mambo wangu, baba ava vanondipopotera vachindidaidza ose mazita avanofunga pamberi pevandinoshanda navo.
“Handichada kuti varambe vachitaura neni, pari pavana handina basa nazvo asi pakundisendera mameseji kana kuhama dzangu kana kubasa handizvidi. Izvozvi ndakatodzingwa basa,” anodaro Chakabida.

Anoti kana dai akazowana rimwe basa, haadi kuti murume wake asvikeko nekuti munhu wemhirizhonga.
“Baba ava vakauya kubasa kwangu vakakonzeresa vachiti ndaidanana nemurume wemukuru wangu wepabasa izvo zvakaita kuti ndidzingwe basa. Ndakatodzingwa basa kutaura kuno saka ndodawo kuti ndikawana kumwe, asazouyeko zvake,” anodaro. Achipawo divi rake, Java anoti haapokane nechikumbiro chemudzimai wake.

“Handina dambudziko nechikumbiro chake asi kuti murume wemukuru wepabasa paishanda Chakabida aisenda mameseji parunhare rwemudzimai wangu zvinova zvakandirwadza ndokungoenda kubasa kwake,” anodaro.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chakabida gwaro redziviriro.