Kwayedza

Usangofunga kuti waroyiwa

SVONDO rino tine nyaya inoti kusetsa pamwe nekunzwisa tsitsi — nyaya yemumwe sabhuku wekuNyamandlovu, kudunhu reMatabeland North, uyo anonzi akadzipwa nenyama parufu zvikaita kuti azorwisa vamwe vanhu vemubhuku rake achiti ndivo vari kumuroya.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi sabhuku uyu akadya nyama nevamwe parufu apo yakazomudzipa.

Anonzi akazomhanyiswa kuechipatara uko akanobatsirwa kuti nyama iyi ibviswe pahuro pake asi akamboita zvimazuva asingagone kutaura uye asina izwi.

Nyaya yave kunetsa ndeyekuti sabhuku uyu ane fungidziro huru yekuti akaroyiwa nevanhu vemubhuku rake avo ari kupomera kuti ndivo vakakonzeresa kuti adzipwe nenyama parufu.

Nekuda kwekufungira uku, sabhuku uyu anonzi ave kugara achirwisa vose vaari kufungidzira kuti vari kumuroya kusvika pakuzoti adzipwe nenyama.

Sabhuku munhu anoremekedzwa nekukudzwa munharaunda, saka anofanirwa kuve nemucherechedzo wakanaka.

Zvino kana ave kuita hunhu hwakadai hwekufunga zvisina maturo, kuti kana achinge adzipwa nenyama parufu, ofunga kuti aroyiwa, anozodzora vamwe ndiani?

Vatungamiriri vematunhu vakadai semasabhuku nemadzishe vanotarisirwa kuve vanhu vane chiremerera uye vanotevedza zvinodiwa nemutemo.

Sabhuku uyu kurwisa kwaari kuita vanhu vemubhuku rake vaari kupomera kuti vari kumuroya itori mhosva.

Masabhuku akadai ndiwo zvakare anobvumira vanaTsikamutanda kushandira mumatunhu avo apo vanopedzisira vorozva vanhu upfumi hwavo vachivapumha huroyi hwenhema.

Hongu, varoyi vanogona kunge variko asi dzimwe nguva vanhu vari kupomerana huroyi pasina umboo.

Pamusoro pezvo, pasi pemutemo wenyika ino imhosva kupumha mumwe huroyi iwe usina umboo hwakazara.

Nyaya dzehuroyi dzagara dzinonetsa mumagariro evanhu apo vamwe vanonangwa kana kupumhwa huroyi nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Vamwe vanopedzisira varwisana kusvika kana pakuurayana chaiko nekuda kwekupumhana huroyi.

Senyaya yasabhuku uyu, anogona kunge akatadza kunyatsodya nyama iyi zvakanaka ikabva yamudzipa zvino iye obva afungira kuti akaroyiwa. Zvichida akaimedza yakakurisa.

Kudai sabhuku uyu akange aroyiwa, sekufunga kwakwe, haaikwanisa kunowana rubatsiro kuchipatara.

Tinodaro nekuti kazhinji kana munhu aine dambudziko rine chekuita nechivanhu, rinotoda zvechivanhu kuti ripere kwete kuchipatara.

Regai zvekufungirana huroyi izvi!

Nhasi uno kune vamwe vehukama vari kugara vasingaonane zvachose nekuda kwekunangana huroyi.

Izvi zviri kuwedzerwa nanaTsikamutanda avo vanonyepera kuti vari kuchenura varoyi kumatunhu akasiyana enyika asi ivo vachitokonzera nyonga-nyonga nekupesana vanhu vanenge vakazvigarira zvakanaka.

Pasi pemutemo wenyika ino zvakare, kuita hutsikamutanda imhosva nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vazive kodzero dzavo kuitira kuti vasambunyikidzwe nanaTsikamutanda.