Kwayedza

Vabaiwa nhomba vari kuwanda

Tandayi Motsi

BAZI reutano nekurerwa kwevana, rakabatana neredzidzo yepuraimari nesekondari, vari kusimbaradza chirongwa chekubaya nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuvadzidzi vane makore 16 ne17 okuberekwa muzvikoro izvo zviri kuona huwandu hwevanhu vari kubaiwa majekiseni aya huchikwira zvakanyanya.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti kubaiwa nhomba kwevadzidzi ava kuchabatsira kuti Zimbabwe ikwanise kuzadzikisa tarisiro yekuti chikamu che60 percent chevanhu vose vabaiwe majekiseni kuti nyika inge yakadziviririka kubva kudenda iri panopera gore rino.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kushanda pamwe neredzidzo yepuraimari nesekondari muchirongwa chekubaya nhomba kune vane makore 16 kusvika 17 muzvikoro. Zvinofadza kuona kuti huwandu hwevanhu vakabaiwa majekiseni musvondo ratiri kutaura nezvaro hwakawedzera kana zvichienzaniswa nevhiki radarika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rino dzichanyorwa pachitevedzwa matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 apo bazi redzidzo yepuraimari nesekondari richashanda pamwe chete nereutano nekurerwa kwevana.

“Kushanda pamwe kwebazi redzidzo nereutano – uko kwakaona kunyorwa kwebvunzo dza2020 kuchibudirira zvikuru – kunotarisirwa kuita zvimwe chetezvo,” vanodaro.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 3 696 379 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 2 757 486 vange vabaiwa echipiri (2nd dose) kubvira pakatanga chirongwa ichi munaKurume gore rino.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 133 707 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera denda iri mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 128 494 vakatopora asi vamwe 4 703 vakafa.

Sen Mutsvangwa vanoti chikamu che96 percent chevarwere veCovid-19 vari kupona.

“Panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, huwandu hwevanhu vanoda kurapwa Covid-19 vari muchipatara vachipihwa mibhedha hwakadzikira kubva pa1.2 percent svondo radarika pamberi kuenda pa0.9 percent vhiki rino,” vanodaro Sen Mutsvangwa.