Kwayedza

Vakaendeswa kudare nembwa

VAVAKIDZANI vakaendesana kumatare edzimhosva pamusoro penyaya yembwa zvichitevera kurumwa kwakaitwa mumwe wavo nembwa apo akaedza kudzidzivisa dzichirwa.

Caston Chapwanya (49) wepanhamba 9 Jerenyenze Road, kuZengeza 2, akadhonzerwa kudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemuvakidzani wake, Talent Chakanwa (21), wepanhamba 100 Dengu, kuZengeza 2 kwakare, mushure mekunge arumwa nembwa dzake.

Chapwanya aitongwa pasi pemutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwembwa weVicious Dog Act.

Zvisinei, akawanikwa asina mhosva mushure mekuonekwa kuti Chakanwa ndiye akange apinda muchivanze chake chaive nembwa achibva arumwa.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa3 Kukadzi gore rino munguva dzemangwanani, Chakanwa aifamba nembwa dzake dzichibva dzapinda muchivanze chaChapwanya ndokutanga kurwisana nedzaivemo izvo zvakaita kuti adzitevere achida kurandutsira.

Ari mushishi kurandutsira, akabva arumwa katatu nembwa yaChapwanya ndokukuvara zvakanyanya pagumbo.

Mutongi Murwisi akati Chapwanya haana mhosva nekuti kurwa kwakaita imbwa kwakange kusina chekuita naye uye imbwa dzaChakanwa dzakatosvika pakupinda muchivanze chake nokudaro akange asina simba nazvo.