Kwayedza

Vana vakapihwa masanitary pads

Daphne Machiri
SANGANO rinobatsira vanasikana vanobva kumhuri dzinotambura, rePATH Initiatives, riri kusimudzira utano hwavo muzvikoro kuburikidza nekuvawanisa zvekushandisa panguva yekutevera (sanitary pads) pachena. Nguva pfupi yadarika, sangano iri rakapa masanitary pads kuvanasikana vepachikoro cheChihuri Secondary School chiri kuBindura kudunhu reMashonaland Central.

Mutungamiriri wesangano iri, VaStanford Chabayanzara — avo vanobvawo kudunhu iri nevamwe vavo vatatu — vanoti chirongwa ichi vakachivamba nechinangwa chekusimudzira utano hwevanasikana.

“Takavamba sangano iri kuti tikwanise kuvandudza dzidzo yemwanasikana uye zvakare kuti vawane mukana seunowanikwa nevanakomana,” vanodaro VaChabayanzara. Vanoenderera mberi vachiti, “Chirongwa chekupa masanitary pads kuvanasikana chakatanga mushure mekunge taona kuti zvakakosha kuti tibatsire munharaunda dzatakakurira.”

Vanoti vamwe vanasikana vari kushandisa mapepa kana machira panguva yavo yekutevera izvo zvine njodzi kuutano hwavo.

‘‘Takapa vanasikana vechikoro mapads vanopfuura 180 uye pamumwe nemumwe wavo taipa mapaketi manomwe,” vanodaro.

Vanoti sangano ravo rinopa zvakare mabhezari kuvana vanobva kumhuri dzinoshaya.