Kwayedza

Vasimudzwa nekurima nePfumvudza

Kingstone Mapupu

MHURI igere kwaSabhuku Mazithulela, kwaMambo Njelele, kuGokwe inoti yapunduka zvikuru zvichibva muchirongwa chekurima zviri nyore uye zvichipa goho rakakura, chePfumvudza/Intwasa.

VaMarton Mazithulela (74), avo vanova ndivo Sabhuku Mazithulela, nemudzimai wavo, Mai Abigail Mazithulela (63), vanoti kubva pakatanga chirongwa chekurima vachichera makomba nemaoko nekuisawo manyowa muminda yavo ichi, vari kukohwa goho guru izvo zviri kuvasimudzira upenyu hwavo.

Sabhuku Mazithulela vanotenda mutungamiri wenyika President Mnangagwa nekuvamba chirongwa chePfumvudza vachiti chakanakira kuti murimi anokohwa kana dai mumwaka wakaoma.

“Kubva chirongwa chePfumvudza chichitanga, tasimukira mubasa redu rekurima. Marimiro aya haanetsi, kunyangwe usina mombe kana tirakita yekurimisa, zvako zvinongoita chete. Izvozvi takachera makomba edu tikadyara chibage chakatomera zvekuti tava kusakura.

“Ndinotenda vadzimai vangu nevazukuru avo tinobata navo pamwe chete tichidya tichiguta nekutengesa zvimwe,” vanodaro Sabhuku Mazithulela.

Vanoti kubva pakatanga Pfumvudza, vakwanisa kutenga zvinhu zvinosanganisira zvikochikari, mombe, magejo nekuvaka dzimba kubva mugoho ravari kuwana.

Mashoko avo anotsinhirwa nemudzimai wavo, Mai Mazithulela, vachiti vasimukira nekuda kwechirongwa ichi.

“Mombe dzakapera kufa mudunhu redu rinoi reGokwe tikasara neshoma, saka minda tinotimba tichiita makomba, mbeu nefetereza topihwa pachena. Chedu kudyara bedzi tatanga taisa manyowa, angava emombe kana emurakwani.

“Pari zvino tave kutosakura chibage chedu uye nechirongwa ichi, hakuna munhu anonzi atadza kupinda mumunda nekuti chinoenzanisa vanhu vose,” vanodaro Mai Mazithulela.

Mumwaka wekurima wa2022/23, chirongwa chePfumvudza/Intwasa chakanangana nekubatsira mhuri dzinosvika 3,5 miriyoni.

Varimi vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi vanosanganisira vekumaruwa nevemumaguta.

Pasi pechirongwa ichi, varimi vanopihwa zvose zvekurimisa pachena uye vanokurudzirwa kuti vasabvume kubhadhariswa mari vachinzi ndedzekutarirwa kwezvinhu izvi sezvo mari dzose dzakabhadharwa kare kune vari kuita basa iri.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoyambirawo vanhu vachada kubira varimi nekuvabhadharisa mari kana avo vachawanikwa vachitengesa kana kutenga zvinhu zvePfumvudza.