Kwayedza

Vatatu vabatwa vaine mombe 4 dzekuba

Mombe

Muchaneta Chimuka

VARUME vatatu, avo vanonzi vakaita mushandirapamwe wekuba mombe ina dzerudzi rwemaBrahman pane rimwe purazi riri kuBeatrice, vakaigochera pautsi apo vakabatikidzwa nemapurisa vari mushishi kuedza kutengesa mombe idzi.

Albert Gumiremhete (38) wepaPlot 05 Georgina Farm kuBeatrice, Farai Gavalaria naMayeso Kafodya vakamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Sheunesu Matova, vakanzi vadzoke nemusi wa26 Chivabvu.

Vakanyimwa bhera zvichitevera kukura kwenyaya yavo.

Muchuchisi VaMunyaradzi Karimazondo vakaudza dare kuti nemusi wa20 Kubvumbi gore rino, vasungwa vatatu ava vanonzi vakaita mushandirapamwe wekunoba mombe dzaNyasha Madoda paPlot 03 Enslindale Farm Sub-division 3, kuBeatrice.

Vanonzi vakatinha mombe ina vachibva vaenda nadzo kudanga remumwe wavo, Gavalaria, uko vakaedza kudzitengesa.

Nemusi wa21 mwedzi wekare, vatatu ava vanonzi vakashevedza vanhu vainge vachida kutenga mombe idzi kuti vauye.

Vatengi ava vanonzi vakabva vasheedzawo mapurisa kuti vapihwe magwaro ekufambisa mombe idzi (clearance forms).

Mapurisa anonzi akaita ongororo yavo vakaziva kuti mombe idzi dzakanga dzisiri dzevasungwa ava.

Nemusi wa22 Kubvumbi, mapurisa akazokwanisa kuronda muridzi wemombe uye dzaitova nemuchiso uri muzita raMadoda zvikaita kuti vatatu ava vasungwe.

Dare rakaona kuti vasungwa ava havakodzeri kuti vapihwe bhera zvichitevera kukura kwemhosva yavakatarisana nayo sezvo iine chirango chakakura uye pane humbowo hunovaroverera pamhosva apo vakawanikwa vaine mombe dzose dzavari kunzi vakaba.