Kwayedza

Zim yovakwa nevene vayo

President Mnanagwa vachitaura kuzviuru nezviuru zvevanhu kuMt Darwin

Tandayi Motsi

ZIMBABWE neChipiri chino yakapemberera kuwana kuzvitonga kuzere kechi43 panguva iyo pave nebudiriro huru muzvikamu zvakasiyana zvenyika kana zvichienzaniswa nezvaivepo mugore ra1980.

Pave nebudiriro inooneka uye inodadisa muzvikamu zvakadai senyaya dzekurima, dzidzo, utano, zvivakwa zvinosanganisira migwagwa nemadhamu.

Budiriro iyi yakasimbaradzwa zvichitevera kuuya kweHurumende yeSecond Republic muna2018, iyo iri kutungamirirwa naPresident Mnangagwa.

Donzvo guru riri kumhanya neHurumende nderinoti hakuna munhu kana nzvimbo inofanirwa kusaririra munyaya dzebudiriro.

ZIM@43

Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevanhu kumhemberero dzekuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere paMt Darwin High School, kuMt Darwin, kudunhu reMashanoland Central nemusi weChipiri, President Mnangagwa vanoti Hurumende yavo yakwanisa kupedza zvirongwa zvebudiriro zvikuru zvinodarika 7 000 munyika yose izvo zvava kubatsira zvakanyanya mukusimukira kweraramo yeruzhinji.

“Budiriro yaitwa neSecond Republic haikwanise kudzoserwa kumashure. Kusvika pari zvino, Hurumende yedu yakwanisa kupedza mapurojekiti makuru anodarika 7 000 kubva muna2018 sehwaro hwekusimudzira vanhu vedu kubva muhurombo kuenda mubudiriro,” vanodaro.

Mazhinji emabasa aya ari kuitwa nezvizvarwa zvemuno uye pachishandiswa mari yemuno.

Izvi zvinoenderana nedingindira remhemberero dzegore rino dzekuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere rinoti: “Zim@43: Nyika inovakwa nevene vayo/IIizwe ngabanikazi balo”.

Pamusoro pezvo, mabasa ebudiriro aya ari kuitwa kumativi ose enyika izvo zvinoenderana zvakare nezvinogara zvichitaurwa naPresident Mnangagwa zvekuti nyika inovakwa nevene vayo.

Kwayedza inodoma mamwe emabasa makuru aitwa neSecond Republic.

Zimbabwe yakanyora nhoroondo zvichitevera kupera kuvakwa kwedare idzva reParamende kuMt Hampden.

Dare reParamdende idzva

Izvi zvave kuita kuti basa reParamende riitwe panzvimbo yakatambanuka uye yakasununguka kana zvichienzaniswa nechivakwa chakare chedare iri chiri pakati peguta reHarare.

Hurumende iri mushishi zvakare kugadzirisa migwagwa mikuru pamwe nemimwe yemumaguta nemadhorobha ayo ari pasi pemakanzuru evanopikisa vasina zvavari kuita panyaya dzebudiriro.

Migwagwa iyi inosanganisira Seke Road uyo wave mufambe nyore zvichitevera kugadzirwa kwawakaitwa neSecond Republic.

Usati wagadzirwa, mugwagwa uyu waizivikanwa nekuitika tsaona sezvo waive muduku izvo zvaiita kuti vedzimotokari vafambe vakamanikidzana uye vafambi nevashandi vachinonotswa nzendo dzavo.

Mugwagwa mukuru weHarare-Masvingo-Beitbridge Highway uri kuvandudzwa zvakare uyo unodarika nemumatunhu anosanganisira Mashonaland East, Midlands, Masvingo neMatabeleland South wakananga kuSouth Africa.

Harare-Beitbridge Highway

“Tinodada senyika kuti chikamu ichi (chekuvakwa kwemigwagwa) chave nebudiriro isati yamboonekwa pachishandiswa zviwanikwa zvedu nehunyanzvi hwedu.

“Mugwagwa weHarare-Masvingo-Beitbridge Highway uchapedziswa kugadzirwa munguva pfupi iri kutevera apo basa rakatotanga mumugwagwa weBeitbridge-Bulawayo-Victoria Falls Road, Mutare Christmass Pass neHarare-Chirundu,” vanodaro President Mnangagwa.

Rimwe basa guru rakatotanga gore rapera, rekuvaka bvukawapfuka rechizvino zvino paMbudzi, mumugwagwa unobatanidza Harare neMasvingo.

Bvukawapfuka rechizvino zvino riri kuvakwa kuMbudzi

Nekune rimwe divi, muganhu wenyika weBeitbridge Border Post wakavandudzwa zvemhando yepamusoro, izvo zviri kuona kupinda nekubuda kwevanhu nezvinhu zvakasiyana kuchifambiswa nyore.

Beitbridge Border Post mushure mekuvandudzwa

Muchikamu chezvekurima, Hurumende yeSecond Republic iri kuita zvikukutu izvo zviri kusimudzira mabasa ekurima zvakanyanya kuburikidza nekutsigira varimi nezvirongwa zvinosanganisira Pfumvudza.

Sekutaura kwaPresident Mnangagwa, muchikamu chezvekurima, Zimbabwe iri kufamba nechirevo chinoti, “Going4Growth” izvo zvaunza budiriro yakakura.

“Mwaka uno wa2022/2023, nyika yedu iri kutarisira kuwana goho rinodarika matani 3,2 miriyoni echibage kana zvichienzaniswa nematani 2,2 miriyoni anodiwa nenyika pagore.

“Mamiriro ezvinhu aya achasimbaradzwa. Pamwe chete, sevanhu vakabatana uye vanoshanda nesimba, tawana chikafu uye kuve takasununguka panyaya dzechikafu,” vanodaro President Mnangagwa.

Pamusoro pazvo, gore rapera Zimbabwe yakakohwa matani 375 000 egorosi remuchando kanove kekutanga munhoroondo yenyika ino.

Agriculture

Hurumende iri kuita basa guru zvakare mukusimudzira nyaya dzemadiridziro uye kuwanisa veruzhinji mvura yekushandisa yakachena kuburikidza nekuvaka madhamu.

President Mnangagwa vanoti madhamu ari kuvakwa kumatunhu ose enyika uye mamwe acho achabatsira mukukwenywa kwemagetsi nekuita mabhindauko anosanganisira kupfuya hove.

Hurumende iri mushishi zvakare yekuvandudzwa kuwaniswa kweveruzhinji magetsi, ayo akakosha munyaya dzebudiriro sezvo achishandiswa mumaindasitiri pamwe nemadiridziro, pakati pezvimwe.

Izvi zvaunza kuvandudzwa kweUnit 7 ne 8 kuHwange Thermal Power Station. Gwenya reUnit 7 rakatopera uye rawedzera magetsi emuZimbabwe ne300MW kuchiti dzimwe 300MW dzichapamhidzirwa panopera Unit 8 munguva pfupi iri kutevera.

Hwange Power Station

Zvakawandisa zvaitwa neHurumende yeruzhinji kubva 1980 kusvika zvino, uye zvimwe zviri muhurongwa.

Panozosvika gore ra2030, Zimbabwe inenge yanyatsovakwa nevene vayo – ruzhinji rwave kurarama upenyu hwepamusoro.

Hakuna munhu kana nzvimbo iri kuzosara!