Kwayedza

– ZIVA –

CHIRIMWA ichi chinogadziriswa usavi hunorembuka uye hunoperekedza sadza zvekuti hauzoda. Husavi hwacho hunobikwa nepakasiyana asi vamwe vanofarira kuzohudya kana hwamborara. Ndoda pakaita kamhiripiri . . . mukonde wesadza haumire.

Kudya usavi uhu kwakanakira kuti hune maVitamin A neC, mune zvinoderedza kurwara negomarara (cancer), zvinodzikisa chirwere cheshuga (diabetes), kuoma mitezo (stroke) uye zvirwere zvemoyo. Kwenyu munochiti chii?