Kwayedza

Zivai nezvegomarara redundiro

SVONDO tinokupai tsananguro pamusoro pegomarara rinodaidzwa kuti prostate cancer pachiRungu (repadundiro), iro riri kukonzerawo ndufu kuvanhurume pasi rose.

Gomarara iri rinowanikwa pedyo nedundiro revanhurume.

Zvakakosha kuziva kuti kuvhenekwa gomarara nguva ichiripo pamwe nekuziva paumire maringe neHIV zvinodzivirira ndufu.

Gomarara redundiro ndiro rinonyanyobata vanhurume uye rinokura zvishoma ne- zvishoma.

Hazvisati zvave kunyatsozivikanwa kuti gomarara iri rinokonzerwa nei.

Gomarara iri rinotanga apo macell emudundiro anenge asina kuita zvakanaka zvinoita kuti awande kupfuura huwandu hunotarisirwa.

Macell anenge akura nenzira isingatarisirwe aya anoramba achirarama apo mamwe anofa izvo zvinoita kuti pave nechibundu chinenge chichikura chichienda panyama inenge iri pedyo.

Mamwe emacell aya anokwanisa kupatsanuka opararira kuenda kudzimwe nhengo dzemuviri.

Zviratidzo:

Hapana zviratidzo zvinoonekwa kana gomarara iri richitanga.

Zviratidzo zvegomarara redundiro kana rave padanho repamusoro zvinosanganisira zvinotevera:

Zvisinei, zviratidzo izvi hazvireve kuti unenge uine gomarara, asi ukanzwa chimwe chezvazvo, enda unoona chiremba.

Vari panjodzi:

Kuvhenekwa:

Zvakakosha kuti unge uchivhenekwa pamwe nekuziva paumire maringe neHIV. Ukarapwa nguva ichiripo, zvinobatsira utano hwako.