Kwayedza

Zvakanakira kurima muchando

Ivan Craig —
KUBATA mwaka hakusi kurima nemvura yekunaya yekutanga bedzi asi kuti murimi anobata mwaka ndiye anorima munda achangopedza kukohwa. Zvinobatsira kuti murimi abate mwaka haisi mvura yanaya ipapo, asi kuti mvura yakachengetedzwa muvhu iyo yakasarira mwaka wadarika.

Panopera mwaka, muvhu munosarira mwando kana kuti hunyoro, uhwo hunoda kuchengetedzwa kuitira kuti murimi abate mwaka.

Kuchengetedza mwaka hakunetsi, kunongoda kurima muchangopedza kukohwa. Kurima muchingopedza kukohwa kunobatsira mune zvakawanda, zvimwe zvacho zvakatsanangurwa pasi.

Mafetiriza anonatsa kushanda zvizere kana pasi pakaorera, nekudaro kana muchinge maita winter plough zvinoreva kuti munorimira marara, mashanga nezvimwewo pasi zvinozoorera zvichigadzirisa hunaku hwevhu. Uyezve muvhu mune upenyu hwezvipembenene hunodawo kuti ivhu rinake nehunyoro kuitira kuti zvione kurarama, panguva imwe cheteyo ivhu rinenge richigadziriswa.

Kana zvirimwa zvaibva, zvinobva zvamira kushandisa mafetireza. Mafetireza aya anozoshandiswa nechirimwa chemwaka unotevera. Munda waitwa winter plough haudi kusiiwa uchimera sora nokuti sora iri rinogona kushandisa mwando wamafunga kuti machengetedza uyezve kuti sora iri rikure rinoda hudyo, saka mafetireza ekusarira aya anobva akokotedzwa ivhu rosara risina chikafu. Sora iri rinoda kusakurwa kuti munda ugare wakachena.

Kuchena kwemunda kunobatsirawo kuti minda isaite zvirwere netupembenene.

Winter plough yakanakira kuti inobatsira kuti tichengetedze michina nemapadza pamwe nezvipfuyo zvinorima. Nekuti pasi pane hunyoro, naizvozvo panenge pakapfava kurima, ivhu haridi kurimwa rakanyanya hunyoro. Nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, mvura haichina chokwadi chekuti inonaya sei, saka kugadzirira minda kwakanaka zvikuru.

Kudzika kwemiforo kana gejo kunobatsira kuti mvura zhinji yanaya idzike pasi zvichibatsira kuti panombotiza mvura paya, pasi panange pachine yakati wandei. Saka nguva iyi inobatsira kuti gejo ridzike pasi. Pasi panenge pasina kuoma zvekutyora simbi uye simbi hadzipere nekukurumidza.

Mombe dzinenge dzichakasimba zvekuti hadziremerwi negejo. Matarakita anenge asingashandisi dhiziri nemaoiri akawanda uyezve matayi anochengetedzeka. Chinhu chikurusa chatinenge tagona ndechekugarira mwaka nguva iripo kuitira kuti mvura yekutanga ndiyo yatichadyara nayo, gohwo rotokasika kukura. Iyi ndiyo nguva yekugadzira makandiwa kuitira kuti tichengetedze ivhu, iro ratinoti inhaka yevana nevazukuru.

Kana tichinge tanatsa kuita zvose izvi, tinoona kuti tinenge tagonesa kurima tozviitira hedu mari.

Kana tichinge tapedza kurima muchando, tobva tageza midziyo yatashandisa toisa oiri yakashanda (used oil) nekuisa girizi (greasing) muma bearings, tochengetedza midziyo pasinganaye.