Kwayedza

Zvekuita muCovid: Kwinji 15

Sithethelelwe “Kwinji 15” Sibanda

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wemaMighty Warriors, Sithethelelwe “Kwinji 15” Sibanda, anoti ari kugara achikurudzira vatambi vechikwata chake kuti vasavarairwe vari kudzimba dzavo asi kuti vaite gadziriro nguva dzose kuitira panodzoka mutambo uyu.

Achitaura ari kuBulawayo uko kwaanogara, Sibanda anoti ino inguva yekuti vanhu vatevedzere zvose zvakatarwa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Tichiri takangotarisira tichida kuona kuti zviri kuendepi asi chikuru ndechekuti tinofanira kugara takachengetedzeka nguva dzose kuitira kuti panodzoka nhabvu tinge takagadzirira.

“Hapana ane ruzivo rwekuti nhabvu inodzoka rinhi saka vatambi vangu ndiri kugara ndichikurukura navo nguva nenguva nekuti kutaura kuno hazvisati zvazivikanwa kuti nhabvu inodzoka rinhi, ngavasazviregerera asi vagare vachiita gadziriro dzavo uye vachichengetedza miviri yavo,” anodaro.

Sibanda anoti asuwa mutambo uyu zvikuru asi pari zvino hapana zvaangaite kunze kwekutevedzera mitemo yakadzikwa senzira yekumisa kupararia kweCovid-19.

Anoti shoko iri ari kuri paridzira zvekare kuvatambi vake kuti vasangofambe-fambe zvisina chikonzero uye kuti vazvichengetedze.

“Nhabvu ndaisuwa zvikuru, ndiyo inotiraramisa saka kugara nguva ndefu tisina mutambo uyu zvinorema.

Asi, chikuru kuti titange takunda denda ratinaro iri reCovid-19,” anodaro Sibanda.

Zvakadai, pane hurukuro dziri kuitwa nesangano rinoona nezvenhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) dzekuti nhabvu ingadzoswe sei.

Nguva pfupi yadarika, mutungamiri wesangano iri Felton Kamambo akati vane tarisiro yekudzosa mutambo uyu asi uchizotambwa pasina vatsigiri.