Kwayedza

ZVICHANGOITIKA . . . Afushirwa ari mupenyu

 

Kingstone Mapupu

Kune tsaona yemurume afushirwa nevhu rechuru iro anga achichera kuti akanyisa zvidhinha kuEyrecourt, muguta reHarare. Wellington Makusha Mwenye (32) ndiye afa. Mukoma wacho Langton Zhou (38) anotsinhira nyaya iyi.

Nzvimbo yaitikira njodzi iyi yakatorindirwa nevanhu veruzhinji izvozvi vachimirira kusvika kwemapurisa.
Zvakawanda tichakuzivisai.