Kwayedza

ZVICHANGOITIKA . . . Cristiano adzingwa neMan United

Cristiano Ronaldo

Abel Ndooka

CHIKWATA cheManchester United chazivisa kuti vasiyana naCristiano Ronaldo mushure mekunge vabvumirana.

Pachinyorwa chabva kuManchester United, yazivisa kuti mutambi uyu abva.

“Cristiano ave kubva kuManchester United izvezvi mushure mekunge tabvumirana naye.

“Tinoda kumutenda nebasa raakaita kaviri kaatambira chikwata chino,” yadaro Manchester United.

Kudzingwa kwaRonaldo kunotevera kushuropodza kwaakaita chikwata ichi svondo radarika pamwe chete nemurairidzi wacho Erik ten Haag uyo waakati haamuremekedze.

“Handina ruremekedzo nemurairidzi wangu nekuti iye haandiremekedzewo. Ukasandiremekedza neniwo handikuremekedze.

“Manchester United iri kusarira kumashure zvikuru, pandakabva pekutanga ndikadzoka hapana chamboshanduka, zvinhu zvingori zvimwe chete.

“Pane vanhu vari muchikwata vasiri kundida kuno, hazvina kutanga nhasi kubva gore radarika chairo,” akadaro Ronaldo.