VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Mhuka dziri pazasi dzinozivikanwa nemazita maviri kana kudarika. Tipewo rimwe zita remhuka idzi:
- Twiza – furiramudenga
- Hochi – nguruve
- Ingwe – mbada
- Mutiro – gudo/bveni/dede
- Hamba – kamba
- Garwe – ngwena
* * *
ZVAKABVA KUVAVERENGI:
Tawanda Chtare, Boka, Dangamvura – 1. furiramudenga; 2. nguruve; 3. dindingwe; 4. gudo; 5. kamba; 6. ngwena
* * *
0783 509 004 – 1. furiramudenga; 2. njiri; 3. mbada; 4. gudo/dede/bveni; 5. kamba; 6. ngwena.
* * *
manexwacho, Mbizo – Mwana anoberekwa nembereko.
* * *
0713 328 232 – Mwana anoberekwa nembereko.
* * *
0713 328 232 – 1. twiza – furira mudenga; 2. hochi – nguruve; 3. mutiro – gudo; 4. hamba – kamba; 5. garwe – ngwena; 6. ingwe – dindingwe.
* * *
Tom Lawrence, Waterfalls Mainway – 1. furira mudenga; 2. guruve; 3. mbada; 4. gudo; 5. ngwena.
* * *
Tom Lawrence, Mainway Waterfalls – mbereko.
* * *
Tichaona Marechera paDamafalls – Chisiri tauro kana mbereko mwana anoberekwa nemusana.
* * *
0773 926 310 – Jongwe rakurisa rinonzi chii?
* * *
Tafireyi Gerry, Dangamvura, Mutare – 1. twiza – furira kudenga; 2. hochi – nguruve; 3. ingwe – mbada; 4. mutiro – gudo; 5. hamba – kamba; 6. garwe – ngwena.
* * *
Brimstone Fyah, Chitungwiza – mbereko.
* * *
ZVEKUITA:
Zadzisa mitsara inotevera:
- Hari yemahewu inonzi . . .
- Pamoto, poto inogara pa. . .
- Kunorasirwa dota kunonzi . . .
- Imba inoitirwa tsvina inonzi . . .
- Migoti, mipinyi zvinovezwa ne. . .
* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.