Kwayedza

Makudo opakura mapoto

Makudo anonzi amuka chibhebhenenga kwaMukarake, kwaMurehwa uko vagari veko vanoti havasisina rugare sezvo ari kuvatambudza nekupinda mudzimba achibata huku nekukudubura mapoto achitsvaga chikafu

PREMIUM

Malven Mugadzikwa ari kwaMUREHWA

MAKUDO anonzi amuka chibhebhenenga kwaMukarakate, kwaMurehwa uko vagari veko vari kuti havasisina rugare sezvo mapfeni ari kuvatambudza nekupinda mudzimba achibata huku nekukudubura mapoto achiba chikafu.

Makudo aya anonzi arura kunzvimbo dzinosanganisira kwaSabhuku Kasirori, kuWard 17.

Kanzura veWard 17, VaJustice Matanhire, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vashaiswa rugare nemakudo aya.

“Kugara nekugara tinoziva makudo achigara mugomo kudhuze nechiro chawo. Makudo haawanzoenda kure nekwaanorara. Asi zvino tave kushamisika kuti ave kupinda mudzimba, kuvhura madhoo evanhu achitora chikafu zvatisina kumbobvira takaona makore atagara muno.

“Huku dzapera uye anosarudza hombe chaidzo achibata achidya. Anokudubura mapoto pamoto chaipo zvinova zvava ku...

Please subscribe to view this content.