Kwayedza

Mhando dzegomarara remuropa

SVONDO radarika, takakupai ruzivo maringe negomarara remhando yeNon Hodgkins Lympoma rinova rimwe remakomarara emuropa.

Vanhu vakawanda vakakumbira ruzivo pamusoro pemakomarara emuropa aya.

Takakwanisa kukuwanirai ruzivo urwu. Ndirwo rwatakupakurirai vhiki rino kuti imi nevadikani venyu mubatsirike.

Gomarara remuropa rinokanganisa kugadzirwa kwemasero (Cells) eropa mumuviri uye mhando zhinji dzemakomarara erudzi urwu dzinotangira mumwongo wemabhonzo.

Mhando dzemakomarara emuropa:

Zviratidzo zvegomarara remuropa zvinosanganisira:

Gomarara iri rinorapwa sei?

Gomarara rinorapwa zvichienderana nemhando yaro, makore ako uye kuti riri kukura zvakadii.

Zvimwe zvezvinokonzera gomarara remuropa zvinosanganisira kuvhiiwa kwenhengo dzemuviri uchiiswa dzimwe, kufambiswa kweropa kana ropa remuguvhu.

Kupiswa kwenhengo dzemuviri dzinenge dziine gomarara zvichiitwa nemachiremba (chemotherapy) kana kutora mishonga inodzivirira gomarara iri kuti risaramba richinyuka.

Kana mangosangana nezvimwe zvezviratidzo zvirimuchinyorwa chino mhanyai kunoongororwa. Zvakadaro, hazvirevi kuti munhu akaita zvimwe zvezviratidzo izvi atova negomarara.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu vari kutora mishonga yavo yemaAnti Retroviral Therapy (ARVs) uye kusandura nzira dzekurarama nadzo. Kukasika kuvhenekwa gomarara kunobatsira mukuchengetedza upenyu nekudaro vanhu ngavakasike kuvhenekwa nekurapwa uye vange vachivhenekwa zvakare utachiona hweHIV nekukasika.