Kwayedza

Mhuka nevana vadzo

Ticha Danga
KOTORO yepiri yakauya ikatodarika zvichireva kupindana kwamazuva. Nebvunzo zvakare ratova muberevere zvekuti hapachina nguva yekutombotambisa. Zvava kutoda kungoti sika sika nawo mabhuku dzamara musi wa4 Gumiguru wasvika.

Hazvichada vaya vanomirira kusundwa semabhara vasingazvipewo nguva yekuverenga kana kudziidzira kuhwerengedza masvomhu. Kupera kwekotora yapfuura uku kwakabatsira kuratidza mwana chaipo paari munyaya dzebvunzo. Mwana akangwara akatoona kwaasina kuita zvakanyatsonaka nekudaro anoda kuti asimbe kuita dzokorodzo kuzvidzidzo izvozvo.

Tinoda zvino kumboongorora zvemhuka nevana vadzo. Tiri ipapo zvakare tinoda kutarisa kuti kana iri hadzi kana hono inodaidzwa kuti chii.

Mwana wehwai anonzi hwayana kana kuti gwayana. Mamwe mazita anopiwa kumwana wehwai ndeanoti bwizana kana kuti shere. Hwai hadzi isati yabereka inonzi sheshe kana yakabereka inonzi dunzvi kana kuti nhunzvi.

Mombe hadzi isati yabereka inonzi tsiru. Kana yazobereka inonzi mhou. Mwana wemombe anonzi mhuru asi mhuru idzi dzinosiyana mazita zvichienderana nekuti dzakura sei. Mhuru ichangozvarwa inonzi munava kana kuti nhedzana. Inenge yakarumurwa inonzi chigondora. Mhuru hadzi inonzi borombe. Mombe hono inonzi handira kana kuti ngunzi. Inodaidzwa zvakare kunzi ngavi. Mombe hono inosungwa ichirima inonzi dhonza.

Huku inoita vana vanonzi nhiyo kana kuti hukwana. Huku hadzi isati yambokandira mazai inonzi sheshe. Kana yava kukandira mazai inonzi tseketsa kana kuti sekero. Yakatoita vana inonzi nhunzvi. Huku hono inonzi jongwe.

Garakuni rakafanana nehuku pazvose kubvira kuvana vacho kouya gadzi racho zvichienderana nemuzera wacho kusvika kugono racho.

Mwana wehangaiwa anonzi marunga. Hangaiwa hadzi inonzi sheshe kana isati yakandira mazai kana yazokandira yonzi nhunzvi. Hanga iya inogara musango inobereka mwana anonzi runga asi kumwe kwese zvakafanana nehuku kana hangaiwa. Nguruve inonzi humba nerimwe zita. Mwana wenguruve anonzi ngurwana kana kuti humbanana. Rimwe zita remwana wenguruve rinonzi chigwi. Kana kamwana kenguruve kasvitsa gore rimwe kanonzi chisamakei. Kana iri nguruve hadzi isati yabereka inonzi sheshe kozotiwo kana yabereka yonzi nhunzvi. Hono inongonzi mukono wenguruve.

Katsi hadzi inongonzi hadzi uye hono inongodaidzwa kuti katsi hono. Mwana wekatsi anonzi chidharimbo.

Mwana wembwa anonzi mbwanana kana kuti handa. Imbwa hadzi ine vana inonzi nzvere. Mukono wembwa unonzi mukora. Mhuka dzatabata pamusoro ndedzinopfuyiwa. Tichabatawo mhuka dzemusango.