Kwayedza

Senegal yapinda muRound of 16

Kalidou Koulibaly achinwisa apo Senegal yakakunda Ecuador 2-1

PREMIUM

Abel Ndooka

CHIKWATA cheSenegal ndicho chaita chekutanga chemuAfrica kuenda kuRound of 16 yemakwikwi eWorld Cup zvichitevera kukunda kwachaita Ecuador 2-1 manheru ano.

Kuhwina uku kwaona Senegal ichipedza iri pechipiri muGroup A iine zvibodzwa zvitanhatu kubva mumitambo mitatu yayatamba pari zvino kuQatar.

Mumutambo wawo wekutanga, yakakundwa 2-0 neNetherlands, ndokuzokunda Qatar 3-1 uye 2-1 nhasi apo yakunda Ecuador.

Chikwata chaAliou Cisse chichasangana neEngland muround of 16.

...
Please subscribe to view this content.