Kwayedza

Tsumo nengano namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

PAAKAPEDZA chikoro, Chipembere akaenda kunotsvaga basa kuHarare. Basa rakanetsa kuwana, akatanga kugara neshamwari. Shamwari dzake dzakazomudzinga nekuti akanga asingatenge kana chingwa zvacho. Chipembere akanogara kwasekuru vake kuChitungwiza. Ikoko aiswera akagara zvake. Mushure memwedzi mitatu, akabva atizirwa nemusikana wake. Sekuru vake vakamuti, “Chipembere, handingarambe ndichikuchengeta iwe wakura kudai. Wava kufanirwa kuzvionera nekuti watokura. Chibva pano nemukadzi wako munozvionerawo mega.”

 

. Tsumo yacho: Chave chigondora chave chimombe kutadza kutunga hurema hwacho.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

KARE vanhu vaipfeka nhembe. Nhembe idzi dzaigadzirwa nematehwe. Matehwe aipfekwa nevanhu aive emhuka. Matehwe aya aibva pamhuka dzavanenge vavhima. Saka murombo aiwanzoonekwa nekuda kwekushaya zvekupfeka zvakanaka. Ndiye uya aiti kana akaenda kunovhima haabate mhuka dzine matehwe ekuti agadzirise nhembe.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007