Kwayedza

Vokurudzirwa kuita hutsanana

Muzvare Chanetsa

Kingstone Mapupu

MADZIMAI echidiki anogara muZvishavane, kuMidlands, ari kushanda neveruzhinji mudhorobha iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Mutungamiri wechikwata chemadzimai ichi, Muzvare Mercury Chanetsa (40) – uyo anonyanya kuzivikanwa mudhorobha iri saAntie Yondo sezvo achidzidzisa magariro akanaka kumadzimai nevarume vari muwanano – anoti zvakakosa kuti vanhu vabatane mukuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

“Tine makore akawanda muno muZvishavane tichipinda mudzimba dzevanhu vakawanana tichivapa dzidziso yeutsanana nemhuri dzavo. Saka takaona zvakakodzera zvakare kuti tipinde muvanhu ivava takanangana nechirongwa chekurwisa Covid-19 tichikurudzira utsanana,” anodaro Muzvare Chanetsa.

Anoenderera mberi achiti, “Tiri kufamba mukati medhorobha nekumisha yemuZvishavane inosanganisira Mandava, Maglas, Mimosa naMakwasha tichipa dzidziso yeutsanana nekukurudzira zvose zvinodiwa tichibatsirwa nenyanzvi sezvo tiri muchikamu chesangano revechidiki muno reYouth Advocacy. Pose patiri kufamba, tinokurudzira kuti vanhu vageze maoko nesipo nemvura inochururuka uyewo vachizora masanitisers nekusagara vakaita chitsokotsoko pose pavari.”

Anoti vari kushandawo nenyanzvi dzezveutano.

“Muno muZvishavane tine vana vanowanikwa vachifamba kunzvimbo dzinorasirwa marara vachinhonga zvavanoda zvekutambisa izvo tiri kurambidzawo nekukurudzira vabereki kuti vatsiure vana vavo. Nguva ino apo vana vagere kudzimba nevabereki, vanoonekwa vakazara munzvimbo dzinozivikanwa nekuti kuMarabi uko kune njodzi yekuti vanogona kubatira zvirwere zvinosanganisira Covid-19,” anodaro Muzvare Chanetsa.

Anoti vari kupemha kuvagari vemudhorobha iri zvinhu zvinoshandiswa mukurwisa kupararira kwechirwere ichi zvinosanganisira sipo, masanitisers, mamasiki uye nekukurudzira kanzuru yeZvishavane kuti iwanise vanhu mvura nguva dzose senzira yekusimbaradza nyaya dzeutsanana.