Vanodya pamwe chete nezvidhoma…Nekuvapisira musha, hembe…Zvichitora mari muchikwama

Vanodya  pamwe chete nezvidhoma…Nekuvapisira musha, hembe…Zvichitora mari muchikwama Elisha Kanogwere achitaridza magumbeze newadhiropu zvakatsva nemoto wemasaramusi.
Elisha Kanogwere  achitaridza magumbeze newadhiropu zvakatsva nemoto wemasaramusi.

Elisha Kanogwere achitaridza magumbeze newadhiropu zvakatsva nemoto wemasaramusi.

MUNYAYA inorovesa hana, zvinhu zvinofungirwa kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo zvashungurudza imwe mhuri yekwaZimunya, kwaMutare, apo zviri kubvutira vanhu ava zvekudya mumawoko, kuvatorera mari muhomwe kana muzvikwama nekuvapisira mbatya, magumbeze nemimwe midziyo yakakosha.

Mashiripiti aya anoitika zuva rakacheka nyika uye Kwayedza yakazvionera.

Kwemakore anokwana maviri, mhuri yekwaKanogwere, mubhuku raBvirindi, yaoneswa chitsvuku nemoto unongobvira uchiparadza zvinhu zvavo asi vasinganzwisise kwaunobva.

Kuratidza kukura kwedambudziko iri, vemhuri iyi vanongoona ruwoko rwechinhu bedzi rwuchizvomora mari muzvikwama kana muhomwe kana kuti rwuchivabvutira chikafu asi pasina munhu anenge aripo.

Nekuda kwekukura kwedambudziko iri, zvidhoma izvi zvafemesa vanhu ava kudzimara vatiza pamusha vachinopotera kwasabhuku nekwaMambo Zimunya.

Vari kuziva nezvemashiripiti aya vanoti izvi zviri kunongedzera kumabasa ezvidhoma kana kuti zvikwambo.

Nekuda kwezviri kuitika, vemhuri yekwaKanogwere vasara vasisina chikafu mbatya nemimwe midziyo yakakosha.

Kwayedza nemusi weChishanu svondo rapera yakada kunozvionera manenji aya ndokushanyira mhuri iyi — ikanosangana nazvo apo moto uyu wakabatira vatori venhau variko ukaparadza mbatya nemagumbeze.

Dambudziko iri rinonzi rakatangira kumwanakomana mukuru wepamusha apa, Elisha Kanogwere (47), apo aigara kuKwekwe nemhuri yake uko akazotiza achienda kumusha asi asisina kana chekubata sezvo zvinhu zvake zvainge zvapera kutsva.

Elisha, uyo anova muzvinabhizimisi anga aine mugodhi wegoridhe asi zvose zvakaparara, zvekusara nembatya dzaanogara akapfeka achiita “oma ndikupfeke” bedzi. Kana nharembozha haachina, yakapiswa kana kutorwa nezvinhu zvisingaonekwe izvi.

Kana vari pamusha, vemhuri iyi vava kugara panze nekutya kutsvira mumba.

Elisha anoti dambudziko iri rakatanga apo aiva nemugodhi wegoridhe kuEsigodhini, kuBulawayo, aine vashandi vakawanda.

“Mhuri yangu yaigara kuMbizo, kuKwekwe, apo ndakaridzirwa nhare nemudzimai achiti moto waingopisa zvinhu mudzimba nhatu dzatairoja. Moto uyu wakatanga nekupisa mbatya dzevana dzose, ndokuzonhanhira kune dzedu dzikapera. Dzaitsva masikati nehusiku mazuva ose uye ukaudzima uchibatira nepamwe,” anotsanangudza akapfeka chiso chinosiririsa.

Anoti dzimwe nguva mbatya dzaitsva dziri muwodhiropu asi iyo wodhiropu yacho isingatsve.

“Moto uyu une ruvara rwakasiyana nemoto watinoziva uye unopisa kudarika zvinoita mumwe moto.”

Mashiripiti aya anonzi akambomira zvishoma mugore ra2014 kusvika 2015 ndokutangazve gore rino.

“Zvakazonyanya munaNdira gore rino apo moto wakapisa zvinhu zvose tiri kuKwekwe, mumwe mwana akaguma asiira chikoro panzira,” anodaro.

“Dzimwe mbatya dzinotsva dziri paraini dziri nyoro dzichitodonha mvura. Ini ndakapiswa nemoto uyu gumbo rikapedza gore richiramba kupora. Mbatya dziri pamuviri wangu ndidzo dzasara uye nedzevana nemudzimai dzavakapfeka.

“Mari yakapera, mombe nezvimwe zvipfuyo ndakapedza kutengesa. Ndangova tsuro chaiyo. Chandava kutsvaga rubatsiro.”

Elisha anoti chinomushamisa ndechekuti moto uyu wakavatevera kubva kuKwekwe uko vakatiza. “Ini ndini mukomana mukuru mumba mevana gumi – vakomana vashanu nevasikana vashanu. Dambudziko iri rakatarisana neni nemhuri yangu bedzi.

“Ndinotorerwa mari muchikwama changu, unotoona ichitorwa, yakabatwa neminwe yemunhu wausingaone. Nguva yapera, ndakatoona $100 ichienda ndakatarisa. Amainini vangu, mudzimai wemunini’ina, vakatorerwa mari mubhegi vakazoiwana yaiswa mubhuku remwana.”

Elisha anoti dzimba dzaakanjanisa kuroja achitiza moto uyu kuKwekwe dzinokwana nhatu, dzose akadzisiya dzatsva uye dziri kuda kugadziriswa nekuiswa mapuranga nekupendeswa.

“Ndakagara dzimba nhatu kuKwekwe ndiine marooms matatu nguva yoga-yoga. Varidzi vedzimba idzi vari kuda kuti ndipendese dzimba dzavo nekuisa mamwe marata nemapuranga apa ini mari yacho handisisina,” anodaro.

Kwayedza ichingopedza kutsanangurirwa nezveaya, imba yekurara yaMbuya Elizabeth Kanogwere, vanova amai vaElisha, yakabva yabatira moto apo vatori venhau vainge vachangobva mukatsva magumbeze matsva ange asati ambofugwa nembatya.

Vatori venhau vakatozodzoka vachimhanya vakasvikowana Elisha nevamwe vachidzimura moto nemigomo yemvura apo wodhiropu yakanga yatsvawo rimwe divi.

“Pamabva pano tasara tigere panze naamai apo ndanzwa kunhuhwa kwemoto ndikamhanya mumba mavo ndokuwana wodhiropu nembatya dzabatira moto. Ndazoudzima nemvura asi magumbeze matanhatu anga atopera kutsva,” akadaro Elisha.

Mbuya Kanogwere vakaridza mhere vachiona midziyo yavo ichitsva nemoto wemasaramusi uyu.

“Handizive kuti ndodini nemoto uyu! Zvino zvinoda kuti ndisare papi ini ndichirwara kudai?” vakadaro vachisvimha misodzi apo magumbeze avo aitopfumbuka hutsi hwekutsva.

Vakaona izvi zvichiitika vanoti zvidhoma izvi zvinogona kunge zvakabatidza moto uyu nehasha dzekuti zvainge zvafumurwa kuvatori venhau, kana kuti zvaida kungoratidza masimba azvo.

Imwe hama yepadyo yemhuri iyi, iyo yakaramba nezita rayo nekutya, inoti baba vaElisha – avo vakashaika – vaiva netsvimbo nebrief case zvavaisada kuti zvibatwe. Brief case iyi inonzi hayaivhurwa izvo zvinoita kuti vafungire kuti vaibata-bata.

“Vaiva netsvimbo yaisabatwa nemumwe munhu, kabhegi kavaisasiya uyewo mumusha umu munonzi makapondwa vanhu vaiva vekuMozambique, izvo zvinofungidzirwa kuti ingozi,” anodaro.

Asi Elisha anoramba mashoko ekuti baba vake vaive vakaromba achiti mashiripiti aya mabasa ehuroyi.

Mbuya Winia Bvirindi (85), vanova tete vemhuri iyi, vanoti dambudziko iri havazive kuti rakabva nepi.

“Midziyo yemuzukuru wangu yapera kutsva nemoto usingazivikanwe kwaunobva. Zvakare ane mwana musikana anobatwa nemweya seanosvikirwa achitaura zvakasiyana uye ane chirwere chekudonha,” vanodaro Mbuya Bvirindi.

“Mwana uyu anoona vanhu vatisingaone isu achitovanongedza. Elisha nemudzimai wake Tendai Mandingaisa (44) vakatiza moto uyu kuKwekwe uye tiri kufamba kuti titsvage dambudziko iri,” vanodaro.

Vanoti hanzvadzi yavo baba vaElisha, VaLazurous Kanogwere, vakashaika muna2003 dambudziko iri risati ravepo.

Muzukuru wemhuri iyi, Rebecca Bvirindi (49), anotiwo dambudziko iri igugutu.

“Nyaya yemoto iyi inotishamisa nekuti idambudzikio riri kunanga munhu mumwe chete pavana gumi vasekuru vangu. Sekuru Elisha vangova munhu zvake, pfuma yavo yapera. Havasisina chekupfeka nekufuga, mbatya neshangu dzevana zvakapera kutsva,” anodaro.

Muroora pamusha apa, Sharai Nenharira (40), anotiwo haana kumbobvira aona zvakadai mukurarama kwake.

“Mhuri iyi inoda rubatsiro nekuti havachaziva kuti vobatsirwa sei,” anodaro.

Zvakadai, kubva musi wasvika Kwayedza pamusha uyu, moto usinganzwisisike uyu unonzi wava kungobvira mazuva ose.

NeMuvhuro svondo rino, vemhuri iyi vakaridzira mutori wenhau uno nhare vachimuzivisa kuti moto uyu wakanga wanhanhira kudzimwe dzimba dzepamusha apa uchipisa mbatya, ndiro, mapoto nemimwe midziyo.

“Vanhu vari kutorara panze, mumba hamuchagarika nemoto uyu. Veduwe tinoda kubatsirwa,” akadaro Rebecca Bvirindi.

Elisha akazorova bara kunopotera kwaMambo Zimunya nekuda kwemashiripiti aya mhuri iyi ikanzi inofanirwa kuungana kudare ramambo nemusi weSvondo, 10 Kubvumbi.

“Ndakaenda kwamambo nekuda kwedambudziko iri tikanzi mhuri yose tiende kudare ravo nemusi wa10 mwedzi uno. Asi zvinhu zvapera kutsva, kana kudya hatisisina,” anodaro Elisha.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi (49), vanotsinhira kuti nyaya iyi yava mudare ravo.

“Nyaya yemoto iyi yakasvitswa kwandiri ndikavati vauye musi wa10 vose toona kuti ndiyani akaromba. Tinozotsvaga n’anga kana maporofita anovabatsira kuti dambudziko iri ripere,” vanodaro.

 

 

We value your opinion! Take a moment to complete our survey