Zvaungaite kudzivirira kutapurirwa HIV

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Zvaungaite kudzivirira kutapurirwa HIV

Kwayedza

KANA uri munhu ari kurarama neutachiona hweHIV, chinhu chakakosha chaungaita kuti unge uchidzivirira kutapurirwa kurarama zvine utano uchitora mishonga yako yakadai semaAnti-Retroviral Therapy zuva nezuva sekunyorwa kwazvinenge zvakaitwa nemachiremba.

Zvimwe zvakakosha ndezvinovetera.

  • Kana uine utachiona hweHIV, une nzira dzakawanda dzekuzvichengetedza nadzo sedzinotevera:
    Kushandisa makondomu – Kunobatsira zvikuru mukudzivirira kutapurirwa kana kutapurira HIV. Makondomu anoshandiswa nguva nenguva apo unopinda munyaya dzepabonde. Dzidza nzira kwadzo dzekushandisa makondomu echidzimai neevarume.
    Deredza huwandu hwevanhu vaunopinda navo pabonde – Izvi zvinobatsira mukuderedza mikana yako yekutapurirwa utachiona hweHIV.
  • Taura nachiremba nezvechirongwa chePEP — Kutora mishonga inodzivirira kurapurirwa HIV kwakakosha. Mishonga iyi inogona kutorwa zuva nezuva uye inobatsira kana usina utachiona hweHIV asi uine mudikanwi anenge aine HIV kana kuti usingazivi mamiriro ake.
  • Tora mishonga yePEP mukati memaawa 72 mushure mekupinda panyatwa yekutapurirwa HIV. Mishonga yePEP inogona kutorwa mukati memazuva matatu kana kuzoenderera mberi nekuitora kamwechete kana kaviri paawa rimwe nerimwe mumazuva 28.
  • Kuchecheudzwa kwevarume —Ongororo yakaitwa inoratidza kuti varume vanokwanisa kuderedza mikana yekutapurirwa HIV kana vachinge vakachecheudzwa nechikamu che60 percent.
  • Ongororwa zvirwere zvepabonde uchikurudzirawo vamwe.

Kana usina utachiona hweHIV asi mudikanwi wako ainahwo, mukurudzire kuti ange achinwa mishonga yake nenguva achinovhenekwa huwandu hwemasoja anorwisa zvirwere mumuviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey