Vatori venhau vakakosha pakurwisa AIDS: Dr Muswere

12 Apr, 2024 - 22:04 0 Views
Vatori venhau vakakosha pakurwisa AIDS: Dr Muswere Dr Jenfan Muswere

Kwayedza

Abel Ndooka

GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, vanoti Zimbabwe imwe yenyika dzemudunhu reSouthern Africa dziri pamusoro-soro mukuderedza kupararira kwechirwere cheHIV neAIDS.

Vachitaura apo vaiparura zviri pamutemo musangano wevatori venhau, uyo wakarongwa neNational AIDS Council (NAC), kuChinhoyi nemusi weChina, Dr Muswere vanoti masangano enhau ane basa guru rekubatsira mukurwisa kupararira kwedenda iri.

“Basa revatori venhau rakakosha zvikuru nekuti vanopa ruzivo rwakadzama mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS.

“Ndaziviswa kuti pari zvino muSouthern Africa, Zimbabwe yaita basa rakanaka rekuderedza kupararira kweHIV neAIDS. Sangano reNational AIDS Council rinopembedzawo basa revatori venhau mukudzidzisa nekupa chenjedzo kuruzhinji rweZimbabwe pamusoro pechirwere ichi,” vanodaro Dr Muswere.

Vanoti zvinofadza kuona kuti Zimbabwe iri kubudirira zvekare kurwisa zvimwe zvirwere zvinosanganisira cholera.

“Svondo rino, dare Cabinet rakagamuchira gwaro rakaturwa negurukota rezveutano nekurerwa kwevana iro rinoratidza kuti madistricts 10 emunyika yedu haasisina chirwere checholera.

“Nyaya dzese dzinofadza idzi dziripo kuburikidza nebasa guru riri kuitwa nevatori venhau uye nenyanzvi dzezveutano idzo dzinoshanda navo vachiunganidza mashoko,” vanodaro.

Dr Muswere vanoti masangano enhau akabatsira Zimbabwe zvakanyanya mukuzadzikisa zvinangwa zvayo zve95/95/95 zvekudzikisa kupararira kweHIV neAIDS pamwe chete nekurwisa kupararira kwecholera.

Share This:

Sponsored Links