Chii chinombonzi hakata?

31 Mar, 2024 - 14:03 0 Views
Chii chinombonzi hakata? Sekuru Bonface Katerere vachishopera nehakata - Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Chii chinombonzi hakata? Basa radzo pachivanhu nderei uye dzinoshanda sei?

N’anga kana machiremba echivanhu munyika muno vanoshandisa nzira dzakasiyana mubasa ravo kusanganisa kurova hakata vachibatsira vanhu vane matambudziko akatsaukana.

Sekuru Bonface Katerere Muponda (78) vekuChisango, kuUzumba, vanoti hakata haangova matombo kana zvimiti zvinongonhongwa musango vanhu votanga kushandisa.

“Hakata matombo, miti yakavezwa, madeheny’a ehozhwa nezvimwe zvakasiyana zvinoshandiswa nen’anga kutsvaga kana kufembera matambudziko anenge auya nevanhu mudare ravo vachida kutsvaga zvinovanetsa.

Pahakata kune dzechirume nedzechidzimai kana kuti hadzi nerume sezvinongoita vanhu kana kuti mhuka uyewo dzine kumusoro nekumuswe,” vanodaro Sekuru Katerere.

Hakata

Vanoti hakata dzinobikwa nekusimbiswa nemishonga kuti dzizotanga kushandiswa dzibatane nemweya wemidzimu kana kuti svikiro.

“Mweya weshavi kana kuti wemudzimu unobatana nesimba rehakata idzi chiremba ogona kududzira zvinotaurwa nehakata dzake paanodzirovera pasi. Semuenzaniso, vanhu vakauya vachida kuitirwa mashopeshope emurume afa vanoshandisirwa hakata dzechirume, kukauyawo vanoda kuita gata rekufa kwemunhukadzi vanoshandisirwa hakata dzechidzimai,” vanodaro.

Sekuru Katerere vanoti matare evanhu vechidzimai anoitwa nehakata dzechikadzi uyewo matare echirume anoitwawo nedzechirume.

Vanoti kune hakata dzematombo, dzekuveza nemiti, dzemademhe ehozhwa neezvimwe zvisikwa zvemumvura zvichienderana nachiremba uyewo nemashavi anobata pamunhu.

“Hakata dzinobikirwa doro rinotodaidzwa kuti doro rehakata rinoitwa kamwe chete pagore kumavambo egore kana mukupera kwaro. Hakata dzine maziso nemiromo yekutaura zvinonzwikwa nekuonekwa nesu n’anga chete. Mamiriro adzinoita pakudzirovera pasi ane zvaanotaura, sekuti dzikaita maji kana kusunama nekupoya mune dzimwe pane zvadzinotaura. Tinoona kuti paita rufu apa kana kutsamwidzana kwemhuri,” vanodaro Sekuru Katerere.

Sekuru Bonface Katerere (kuruboshwe) vachitaridza chitubu chavanoshambidza hakata dzavo zuva roga-roga

Vanoti hakata dzinoona zvichauya sezvinoita mudzimu kana chiporofita.

“Kune vamwe vanoshandisa magirazi zvimwe chete nehakata, kune miti inovezeswa hakata kwete yose yose, mimwe yacho minzepete uyewo mademhe ehozhwa kunoda anotorwa kunyanza nekunzizi huru kwete tunzizi tudiki. Kune mhando dzehakata dzinodarika gumi uyewo panguva yoga-yoga hakata dzinoshanda dzichidarika tsere zvichienda mberi.”

Sekuru Katerere vanoti hakata dzinobikwawo pamwe chete nemimwe mishonga yakasiyana kuti dzisimbe zvinosanganisira pfuta.

“Dzangu ini ndinodzishambidza zuva roga-roga rungwana kuma5 muchitubu chinonzi chaRunwa pano pamba pangu zvinotaridza kutangisa zuva dzakatonhorerwa,” vanodaro.

Zvisinei, havana kuda kubuda pachena kuti sei vakadzitumidza zita rokuti Runwa.

“Semuenzaniso, hakata yechirume inogona kusandura mbereko yemudzimai ari kungoita vana vasikana chete kuti aite vakomana. Hakata kana munhu aidzishandisa afa, hadziraswe sezvinoitwawo machira emidzimu, dzinochengetwa kudzimara mhepo yaisvika pamufi yazobuda zvakare dzopihwa munhu iyeye,” vanodaro Sekuru Katerere.

Vanoti hakata hadzigone kusandurwa kana munhu anodzishandisa achiri mupenyu.

“Kune vane hama dzinoita zvechivanhu kana vafa, musarase zvinhu zvakaita sehakata, machira, tsvimbo, makano nezvimwe. Izvi zvinochengetwa pazvinoiswa nevazukuru kusvikira mhepo iyi yazodzoka zvakare kune mumwe. Tinoona vamwe vanoisa mumapako, hazvibvumidzwe kana kurasa,” vanodaro Sekuru Katerere.

Mbuya Alice Masoko Kwenda (65) vemuHarare vanoti hakata dzinogona kufembera kudarika vanoshandisa mweya chete pakuporofita.

Mbuya Kwenda

“Hakata chombo chikuru munyaya dzekufembera. Vanhu vakauya vachipumhana huroyi dzinonongedza chaiye muroyi pakati pavo kunyangwe tisingazodura kuti iwe wanangwa kuitira kuti vanhu vanokuvadzana. Dzinobikwa nemishonga sezvinoitwa fodya yebute kana kusimbiswa kunoitwa midzimu,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda vanova mukuru wesangano rinomirira vanachirema vechivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti hakuna hakata dzechokwadi dzinopotsa sezvinoita vamwe vanoshandisa mweya wechiporofita.

“Ini ndinoshandisa hakata kana paine zvinorema zvauya nevanhu, hadzinyepi vechidiki vanoti ‘dzinopedza masports’. Ndizvo zvinoita hakata, dzinosiyana chiremba nachiremba,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Share This:

Sponsored Links