200 vabatwa necholera parufu 

27 Jan, 2024 - 10:01 0 Views
200 vabatwa necholera parufu  Dr Tshuma

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vanodarika 200, vanosanganisira madzishe nemasabhuku, vanonzi vakabatwa nechirwere checholera kwaDambo kuChiweshe, mudunhu reMashonaland Central mushure mekukundikana kutevedza zvavainge vaudzwa neveutano kuti vasaungana vakawanda, kubatana maoko nezvimwe zvakasiyana senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Izvi zvakaziviswa naDr Cremence Tshuma vanova Provincial Medical Director (PMD) weMashonaland Central kuvatori venhau mushure mekushanyirwa kwenzvimbo iyi nebazi rezveutano nekurerwa kwevana apo vaiita ongororo nezvekukura kwedambudziko rezvirwere zvinoshairwa hanya uye zvinokonzerwa nenhau dzekushaikwa kweutano.

“Munguva pfupi yadarika, kune mumwe munhu ane mukurumbira akashaya nekuda kwechirwere checholera kuDambo vanhu vemunharaunda vakaudzwa kuti vasaungana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Asi pakangobva veutano vakasara vakabatana nehutungamiriri hwemo vanosanganisira madzishe nemasabhuku vakauraya mombe vakadya. Zvisinei, hapana kupera mazuva apo vazhinji vavo vakatanga kurwara necholera kusanganisira madzishe anova akazouya opupura kuti vakasara vakaita misikanzwa nokudaro vakadzidza chidzidzo chikuru,” vanodaro Dr Tshuma.

Vanoti kana munharaunda mukafa munhu nechirwere checholera, pane mikana mikuru yekuti chipararire kune vamwe kana vakasvika parufu urwu.

“Tichine mimwe misha isati yava nezvimbuzi apo vanhu vanoitira tsvina kuseri kwemakwenzi nokudaro hutachiona hunogona kutakurwa nenhunzi huchidzoka kudzimba kune vanhu kana kuyeredzwa kwetsvina iyoyo ichienda kunzizi nematsime anoshandiswa neveruzhinji mukuwana mvura yekunwa.

“Tinokurudzira vanhu kuti vafashaidze mvura kana kuisa mapiritsi anochenesa mvura, kugeza maoko nesipo mushure mekushandisa zvimbuzi kana kuchinja vana manapukeni. Nharaunda ngadzigare dzakachena uye vanhu ngavachisiyana netsika iya yekuunganira chitunha kana kuchigezesa.

“Chirwere ichi tinongochitora nenzira iya yataiita munguva yeCovid-19 apo mutumbi unongobva kumochari wakananga kumakuva kuti vanhu vasatapurirwe uye munhu anotovigwa paine vaongorori vezveutano vachiona kuti zvese zvaitwa nenzira isingaparadzire chirwere. Dzimba dzese dzinofafaidzwa mishonga senzira yeuraya hutachiona. Donzvo redu nderekuchengetedza hupenyu neutano hweveruzhinji,” vanodaro Dr Tshuma.

Vanoti nzvimbo dzine mukurumbira wecholera  mudunhu ravo dzinosanganisira Glendale, Dambe, Mushumbi neShamva District.

“Zvakakosha kuti vanhu vatevedze yambiro yese yavanopihwa neveutano nekuti kusateerera kune njodzi uye kunogona kuzoumba dambudziko guru rinozodhurira Hurumende. Vanhu ngavabve vadya kudzimba dzavo kwete kutarisira kunodya kunhamo nekuti pese panoungana vanhu mikana yekushaikwa kwehutsanana inowanda. Hatikurudziri kuti vanhu vaonekedzane nemutumbi wemunhu afa necholera,” vanodaro Dr Tshuma.

Vanopembedza vemakereke echipositori emudunhu ravo vachiti vari kuratidza kugamuchira danho rekurwisa kupararira kwecholera.

“Vemakereke echiposotori vakawanda vari kubatsirika uye maVillage Health Workers anova nhengo dzemakereke aya vakadzidziswa vari kubatsirana navo kuti vazive kukosha kwekuchengetedza utano,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links