Mapositori ogamuchira nhomba yecholera

02 Feb, 2024 - 16:02 0 Views
Mapositori ogamuchira nhomba yecholera Vamwe vatendi vechipositori vaive pachirongwa chekuparurwa kwenhomba yekudzivirira chirwere cholera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VEMACHECHI echipositori vari kugamuchira chirongwa cheHurumende chekudonhedzerwa nhomba dzekudzivirira chirwere checholera icho chatekeshera mumatunhu akawanda enyika.

Izvi zvinotevera kuenda kwavakaita nehuwandu pachirongwa chekuparurwa kwenhomba yedenda iri paKuwadzana Poly Clinic, kuKuwadzana, muHarare, nemusi weMuvhuro.

Vaive pachiitiko ichi vanosanganisira Dr Maxwell Hove vanova chief director curative services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana avo vakaparura chirongwa chekudonhedzerwa kwenhomba yekudzivirira cholera.

Gurukota rinomirira Harare Metropolitan, Cde Charles Tavengwa, ndivo vaive vakamirira gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora, pachirongwa ichi.

Zimbabwe yakatsigirwa nemishonga yenhomba yekudzivirira cholera nemasangano anosanganisira UNICEF neWorld Health Organisation (WHO).

Pasi pechirongwa ichi, vanhu vanosvika 2,3 miriyoni vane gore rimwe chete rekuberekwa zvichikwira uye vari munzvimbo dziri kunyanya kunetsa cholera vanotarisirwa kudonhedzerwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi.

Vamwe vemachechi echipositori vaive pachirongwa ichi vanopupura kuti chakakosha sezvo chichibatsira mukuchengetedza upenyu.

“Ini ndinopinda Johanne Masowe yeNguwo Tsvuku, ndiri mugari wemuKuwadzana uye ndiri behaviour change facilitator. Ndinofara zvikuru nedanho ratorwa neHurumende kuti tidonhedzerwe nhomba dzekudzivirira cholera nekuti kudzivirira kwakakosha pane kuzorapwa. Tiri kuenderera mberi nekudzidzisa vanhu munharaunda nevamwe vatinonamata navo nezvekudzivirira chirwere ichi uye matanho akakosha sekuchengetedza nharaunda dzakachena nekudonhedzerwa nhomba,” vanodaro Mai Cecilia Nyarira.

Mai Sabhina Mtengiswa, avo vanova zvekare behaviour change facilitator, vanoti kudonhedzerwa nhomba yecholera kana kubaiwa jekiseni reCovid-19 zvose hazvibvisi munhu pakunamata.

“Chakakosha mwoyo wemunhu nekuti kana kuchine vafundisi vanofurira vanhu kuti vasabaiwa ivo vachizouya nerweseri vachidzivirirwa tinoti hunenge hwava hutsinye kana humhondi chaihwo nekuti nhomba idzi dziripo pakuchengetedza upenyu. Chirwere checholera chinouraya mukati menguva diki-diki nokudaro dzidziso inofanira kufamba muruzhinji,” vanodaro.

Patience Kuzhazha wemuHarare anoti nhomba yecholera yauya panguva yakanaka apo veruzhinji vari kutambudzwa nechirwere ichi.

Petricia Chiweweta, uyo anova community health promoter, anoti kana pachinge paita murwere ane manyoka, zvakakosha kuti akurumidze kuwaniswa mvura yemunyu neshuga yakafashaidzwa iyo anonwa ari munzira kuenda kuchipatara kuti asanyanya kurasikirwa nemvura yemumuviri.

Share This:

Sponsored Links