Uncategorized

2020: Dai Isiriwo Covid . . . . . . yakakanganisa gore rainge ratanga zvakanaka

31 Dec, 2020 - 14:12 0 Views
2020: Dai Isiriwo Covid . . . . . . yakakanganisa gore rainge ratanga zvakanaka Dr Mahomva

Kwayedza

GORE ra2020 rasvika kwamvura yakacheka makumbo uye zvakawanda zvakaitika — zvinofadza nezvinosuwisa — apo vamwe vanoda kuriti igore rechirwere cheCovid-19 icho chazunguza pasi rose.
Kwayedza inokupai muzvidimbu dzimwe dzenyaya dzakaita mukurumbira muna2020.

NDIRA
Muteuro we ‘raki’ . . . amai nemwana tasa
AMAI nemwanasikana wavo vekuKensington Plots, chinhambwe chiduku kubva muguta reBulawayo, vakafa mushure mekunge vanwa muteuro wavakapihwa nemumwe muporofita weko vachinzi unodzinga munyama kana mamhepo.

Mumwe angadai akanwawo muteuro uyu kazukuru ako kakazonzi karegere kunwa bhodhoro rakainge kapihwawo.

Pane runyerekupe rwekuti mwanasikana uyu — uyo anonzi ndiye akatsvaga muporofita uyu, ndokumuinga kubva kuSouth Africa — aida kubatsirwa padambudziko rake rekusaroorwa.
Thokozani Ncube (51) naSithandazile Nyathi (30) vakafa kwangopera maminitsi mashoma-shoma vabva mukunwa muteuro wavakapihwa nemuporofita anonzi Brian Mpofu anogara kuCowdray Park, kwakare kuBulawayo.
* * *
KUKADZI
‘Nditori muSatanist azere’

Abednico Heri

MURUME wechidiki anogara kuUnit L, kuChitungwiza, asi kumusha achibva kuMhondoro, ari kuzviti muSatanist akazara izvo zvinomuita kuti ave “nesimba” rekukonzeresa tsaona dzemumigwagwa.
Kana dai zvazvo Abednico Heri (24) asiri kuudza Kwayedza kuti iye nevamwe vake vanowanei mukukonzeresa tsaona uye kunyatsodonongodza maitirwo emabasa avo, vanotaura vanoti maSatanist anonwa ropa nekuita zvimwe zvisinganzwisisike.

Mutori wenhau anomboita chadzimira ari pakati pehurukuro — zvekusangonzwisisa zvainge zvoitika nekuda kwekadzungu asi zvinokasika kupera.

“Ndini nevamwe vangu tinokonzeresa mamwe matsaona emumigwagwa. Ndinongonzwa ndave kuda kuti zvichiitika, asi handikuudzei maitirwo azvo,” anodaro Heri.
* * *
KURUME
Uyu ndiwo mwedzi wakava munhoroondo yeZimbabwe sezvo uri iwo wakava nemunhu wekutanga munyika muno kuwanikwa aine chirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 icho chinokonzerwa nehutachiona hunozivikanwa nekuti coronavirus. Kupera kwemwedzi uno nyika inobva yaenda pa ‘lockdown’, zvikoro nemakambani ndokuvharwa, vanhu ndokumira kuenda kumabasa vachinzi vambogara kudzimba sedando rekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Mumwedzi mumwe chetewo:
Amitisa vanasikana vake 5
Murume anogara kumindamirefu yeWinimbi, kwaMambo Svosve, kuMacheke, ari kunzi ihuku iri kudya mazai ayo sezvo achinzi amitisa vanasikana vake vashanu.

Vaviri vevana ava vanonzi vakatotiza pamusha pevabereki vavo nekuda kwezvavari kuitwa nababa vavo.
Baba ava — avo vatichangodoma nezita ravo rekuti Joe (55) — vanoramba kuKwayedza makunakuna kana kuti chibharo izvo zvavari kupomerwa nevagari veko, asi ndokubvuma kuti nyaya iyi inogara ichitaurwa nevanhu vavanoti vanovavenga uye vasingade kuti vagare tatata nemhuri yavo.
* * *
KUBVUMBI
‘Covid-19 yatiwondonga’
CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chakanganisa zvakanyanya mabasa emadzimai anorarama nekuhodha zvinhu kunze kwenyika achizozvitengesa muno zvichitevera kuvharwa kwakaitwa miganhu yenyika nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Vachitaura pachirongwa chaitsigirwa nesangano reZimbabwe Women’s Bureau, madzimai anoita mabasa ekunohodha kunze kwenyika anoti mabhindauko awo adzoserwa kumashure nekuda kwechirwere ichi.

Tamisa Katini-Zivanai — uyo anova sachigaro weGarikai Fruit and Vegetables — anoti kuvharwa kwemiganhu kwavasiya panguva yakaoma.
* * *
CHIVABVU
MURUME wekuChitungwiza uyo ane madzimai anodarika 20 nevana vanopfuura 100 anoti atambura nekuti ogarisana sei nemhuri yake yakakura iyi panyaya dzekukoshesa kuti vanhu vasagare vakaungana (social distancing) kuitira kuti vasatapurirane chirwere cheCovid-19.

Covid-19 chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunotapuriranwa nekupararira zvakanyanya hunodaidzwa kuti coronavirus. Sekuru Amos Kafela (84) avo vanogara kuUniti J panguva yoga-yoga pamba pavo panenge paine vanhu vanodarika 150 vanosanganisira madzimai avo nevana, varoora nevazukuru.

Sekuru Kafela (kurudyi) nevamwe vemhuri yavo vari pamba pavo kuChitungwiza

Vachitaura neKwayedza, Sekuru Kafela — avo vanova n’anga — vanoti havana zvavanogona kuita nemhuri yavo yakakurisa sezvo vasina kwekuisa vamwe vevanhu ava.
* * *
CHIKUMI
Akafa achidya nhunzi . . . ‘ndini ndakamuroya’

MURUME wemubhuku raRubatika, kwaSeke, ari kunzi akafa achidya nhunzi mushure mekunge aba zvinhu zvainge zvakagadzirwa nemishonga yerukwa pamumwe musha uri mubhuku iri.
Zvinonzi murume uyu — Leonard Rugodo — akaba zvinhu zvaisanganisira bhara nemuchina wekuweredha pamusha paMudzengerere uri maRubatika.

Pamusha wakabiwa zvinhu uyu panonzi pakange pagadzirwa neimwe n’anga zvikaita kuti Rugodo atange kurwara.
Kwayedza ine tsamba iri kunzi yakanyorwa nehama dzemushakabvu vachibvuma kuti akaba mushure mekunge vaenda kun’anga yakapinga musha wekubiwa uyu vachida kuti hama yavo iroyonorwe. Iyo n’anga yacho inoti ndiyo yakazviita.
* * *
CHIKUNGURU
Ngatiraramei upenyu hutsva: Mahomva
VERUZHINJI muZimbabwe vanofanirwa kutanga mararamiro matsva ayo anoenderana nekuvadzivirira kubva kuchirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 uye vosiyana nemararamiro avagara vachiita kubva kare.
Muhurukuro neKwayedza, Dr Agnes Mahomva — avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet — vanoti vanhu vanofanirwa kuita mararamiro matsva ekuona kuti vagara vachigeza mawoko avo nesipo nemvura inochururuka, vopfeka mamasiki uye vosiyana nekuungana nekuita chitsokotsoko.

“Vanhu vanofanirwa kuchitoita mararamiro matsva — kukoshesa hutsanana nekugeza mawoko avo nesipo nguva nenguva, kupfeka iwo mamasiki aya nekukoshesa kuti havaite chitsokotsoko. Uku ndiko kwatova kurarama kutsva, kungava kudzimba kana kumabasa,” vanodaro Dr Mahomva.
* * *
NYAMAVHUVHU
80pc yevarwere vapona Covid-19
HUWANDU hwevanhu vari kupona kuchirwere cheCovid-19 muZimbabwe huri kuramba huchikwira uye kusvika nemusi weChipiri chikamu chinodarika 80 percent chevarwere vedenda iri vakange vatonaya.

Kusvika nemusi uyu, Zimbabwe yange yava nevanhu 6 196 vawanikwa vaine coronavirus — hutachiona hunokonzera Covid-19 — mushure mekunge vavhenekwa.
Pavarwere ivava, 4 961 vakatopona asi vamwe 166 vakafa.
Huwandu hwevanhu vafa hwakakwira zvichitevera kushaika kwevamwe 11 nemusi weChipiri svondo rino.
Pavanhu 11 vakafa ava, gumi ndevemuHarare uye mumwe chete ari wekuMashonaland West.
* * *
GUNYANA
Ogara nevana mugadheni
MUDZIMAI wekwaMutare ari kurarama upenyu hunosiririsa sezvo ava kugara nevana vake vana vari pasi pemakore gumi ekuberekwa mubindu mushure mekunge adzingwa pamusha wake nehama dzemurume dzichimupomera kuita chipfambi.

Tarisai Maganzo nevana vake

Tarisai Maganzo, wemubhuku raGwaku, kwaMambo Chayambuka, anoti murume wake ari kunyika yeSouth Africa uko anoshanda uye haasi kudzoka kuZimbabwe zvichitevera kuvharwa kwakaitwa miganhu yenyika senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Asi zvisinei nekuti miganhu yakambovharwa, Hurumende inotendera zvizvarwa zvemuno kudzoka munyika nenzira kwadzo kana vachida.

Maganzo ari kugara nevana vake vana — wemakore matatu, mumwe ane makore mana, ane matanhatu neane gumi remakore okuzvarwa — mubindu.
Maganzo anoti hama dzemurume wake dzakamudzinga pamusha pake dzichimupomera kuita chipfambi, ndokumbotanga acharara nemhuri yake mudzimba dzevamwe vanhu vane tsiyo nyoro.
* * *
GUMIGURU
Akazvarira mumugodhi
MUNYAYA inoshamisa nekusuwisa, ichiita kunge bhaisikopo, mudzimai wechidiki wemuHarare akarwadziwa nepamuviri painge pakwana, ndokubuda mumba kaverevere achibva anozviwidza mumugodhi wemuvakidzani une mvura umo akarwarira kwemaawa maviri, ndokuzosununguka mwana chigwindiri arimo.
Kusvika paakazonunurwa neveruzhinji mumvura yaimusvika muhuro, mukadzi uyu ainge akangosimudza kasvava kake mudenga kuti kasany’ure kana kunwa mvura.

Princess Machona (23), akabara mwana airema 3,7kg ari mumugodhi kuNew Mabvuku umo akazoburitswa pamwechete nemwana wake mushure memaawa maviri.

Princess Machona akabata mwana wake

* * *
MBUDZI
‘Hatina musoro wemwana mufiriji’
MHURI inogara mumusha weDzivaresekwa 2, muguta reHarare — iyo iri kupomerwa neimwe n’anga kuti ndiyo ine musoro wemwana wekwaMurehwa uyo akapondwa, mutumbi wake ndokuzowanikwa wakabviswa musoro, makumbo nemaoko — inoti hapana chainoziva nezvekufa kwemwana uyu.
Tapiwa Makore (Jnr) (7), anonzi akapondwa nevanhu vanosanganisira babamukuru vake Tapiwa Makore (Snr) vachibatsirana nemufudzi wavo wemombe, Tafadzwa Shamba.

Mushakabvu Tapiwa Makore

Vaviri ava vakatomiswa mudare pamwe chete nemumwe mudzimai ari kupomerwa zvakare munyaya iyi.

Makore 32 achigara nenjuzu
KUDUNHU reMasvingo kunonzi kwakaitika mashura zvichitevera nyaya yemunhukadzi ari kunzi akatorwa nenjuzu aine makore masere murwizi rwaRunde, ndokuzoburitswamo mwedzi wadarika aita makore 32 achigara pasi pemvura.

Pari zvino mukadzi uyu – uyo ari kunzi amera tsanga ina pamuviri wake – anonzi ari kugara akavharirwa mumba pane mumwe musha uri kwaMambo Ndanga, kuZaka, uko kwaari kushandirwa kana kuti kubikwa nemishonga nemasvikiro anonzi akamuburitsa mumvura vachigadzirira kuzonomusiya kumhuri yake iri kuMwenezi.
Rowai Chihwakwa wekwaSabhuku Matande, kuMwenezi, anonzi akatorwa nenjuzu murwizi Runde aine makore masere ekuberekwa panguva iyo akanga ari muGrade 2 apo akaenda kunogeza murukova rwunonzi Matande urwo rwunodira munaRunde.
* * *
ZVITA
Mupositori akafa arovera vabereki bere
MURUME mupositori wekuGuruve akafa, mukoma wake ndokusara orasika njere mushure mekunge vaviri ava vapihwa mhiko netsvimbo dzakanamatirwa kumasowe kwavo, idzo vakanoshandisa kuzvambaradza vabereki vavo nekuvapisira musha nematanga embudzi vachivati varoyi vane zvikwambo nemapere.

Vanakomana vaviri vekupurazi reSiyalima ava vanonzi vakaita musara zvekurasika njere vachangobva mukuzvambaradza vabereki vavo nekuvapisira dzimba vachivati mumba yavo yekubikira ndimo mavaichengetera zvidhoma nemapere.

Richard Machobaiwa (41) naCain Machobaiwa (39) vanonzi vakangotanga kurasika njere mushure mekupumha vabereki vavo huroyi, Cain ndokuzofa svondo rapera. Richard anonzi ari kutenderera pfungwa zvekutogara akasungwa netambo.

Dai isiriyowo Covid-19, gore ra2020 rakanga ratanga zvakanaka asi zvakanaka zvose zvakabva zvazoendeswa mudondo. Hezvo vanhu vave kungogara vakapfeka maputirazviso (face masks).
Tinovimba 2021 achange akanaka uye asina matambudziko erudzi urwu.
Ivai neGoredzva rakaputirwa nemufaro nerunyararo uye zvishuwiro zvenyu zvisadzikiswe!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey