Uncategorized

237 vane Covid-19

06 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
237 vane Covid-19

Kwayedza

Tandayi Motsi
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti huwandu hwevanhu vavhenekwa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 ndokuwanikwa vaine chirwere ichi muZimbabwe hwakwira kusvika pa237.

Pavanhu 237 ava, 31 vavo vanaya kubva kuchirwere ichi uye vamwe vana (4) vakafa.

Huwandu uhu hwakwira zvichitevera vamwe vanhu 15 vakabva kuSouth Africa ndokuvhenekwa pakati pevamwe, vachibva vawanikwa vaine Covid-19.

Bazi iri rinoti vanhu vavhenekwa hutachiona hwecoronavirus kubva musi wa20 Kurume kusvika pari zvino vasvika 50 920 munyika yose.

“Huwandu hwevanhu vavhenekwa vakawanikwa vaine coronavirus hwasvika pa237 apo 31 vavo vakanaya kubva kuchirwere ichi uye vamwe vana (4) vakafa. Kusvika pari zvino (musi weChina) vanhu vavhenekwa nyika yose vasvika 50 920,” rinodaro bazi iri.

Pavanhu 237 vane Covid-19 ava, Harare ndiyo ine vakawanda vanove 97, ichiteverwa neMatabeland South (40), Masvingo (37), Bulawayo (18), Midlands (13), Mashonaland West (12), Manicaland (8), Mashonaland East (6), Mashonaland Central iine vanhu vatatu zvose nekuMatabeland North.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey