Uncategorized

Aba ‘fenzi’ yemuvakidzani

27 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
Aba ‘fenzi’ yemuvakidzani Inspector Abednico Ncube

Kwayedza

Hazel Marimbiza

MUKADZI ane makore 37 ekuberekwa akashamisa vaanogarisana navo kuPumula East, kuBulawayo mushure mekuba waya yakapoteredza pamba pemuvakidzani wake.

Mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvakabuda kuti Zandisiwe Khumalo akaba waya yepamba paSakhile Gumbo apo akanga asipo.
Khumalo akatiza apo Gumbo akaudza vavakidzani vake kuti akanga abirwa waya zvikazoita kuti paite akamunyeurira kuti akanga aona Khumalo achibva pamba pake akabata waya yainge yakapoteredza pamba.

Nehasha, Gumbo akaenda kuna Khumalo uyo akaramba mhosva iyi zvikazoita kuti vaviri ava vatukane pamwe chete nekurovana.

“Pakaita dhirama apo Gumbo akabvunza Khumalo kuti akanga abirei waya yake. Nehasha, Khumalo akarova Gumbo mbama zvikazoitawo kuti adzorere. Kunetsana kwavo kwakapera mushure mekunge tavadzivisa kuti vasarwa,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

Anoenderera mberi achiti, “Zvinogumbura nekuti vaviri ava vari pedyo nepedyo uye vaiwirirana, hatina kumbozvifungira.”
Gumbo akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikazoita kuti Khumalo asungwe.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube vanoti, “Takasunga Zandisiwe Khumalo uyo anonzi akaba waya yepamba paSakhile Gumbo. Takaferefeta nyaya iyi zvinova zvakazoita kuti Khumalo asungwe uye waya iyi takaiwana.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey