Abira sekuru kuti afadze ‘chimoko’

14 Feb, 2023 - 16:02 0 Views
Abira sekuru kuti afadze ‘chimoko’

Kwayedza

Lorraine Mathe

SENZIRA yekuda kufadza musikana wake nekuenda naye kumafaro pamwe nekumutengera doro, murume wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu nemhosva yekuba nharembozha mbiri dzemhando yeHisense, marita maviri emafuta ekubikisa, rita rimwe chete remayonnaise nebedsheet zvasekuru vake kuti azvitengese.

Mthokozisi Ngwenya (22) wekuMagwegwe North akabvuma mhosva yake yekuba apo akamiswa pamberi pemutongi wedare reWestern Commonage Courts, VaShepherd Mjanja, avo vakamutemera chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Mwedzi mitatu yepachirango ichi yakasendekwa parutivi kwemakore matatu nechitsidzo chekuti Mthokozisi anofanirwa kuita hunhu hwakanaka uye mwedzi mitatu yaive yasara ndokusendekwa padivi zvakare nechitsidzo chekuti anofanirwa kufondoka pasina mubhadharo kwemaawa 105 pakamba yemapurisa yeCowdray Park Police Station.

Dare rakanzwa kuti imwe nguva munaGunyana 2022, sekuru vaMthokozisi, Vusumuzi Ngwenya, vakaona kuti nharembozha dzavo mbiri dzeHisense, marita maviri emafuta ekubikisa, rita rimwe chete remayonnaise nebedsheet zvakange zvisisipo.

Vakabvunza Mthokozisi nezvekushaikwa kwezvinhu izvi akabvuma kuti ainge azviba nechinangwa chekuda kuzvitengesa.

Vusumuzi akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Mthokozisi asungwe pamwe nekudzorerwa nharembozha mbiri dzeHisense.

Zvose zvakabiwa zvinokosha R3 000 uye zvakawanikwa zvinokosha R2 000.

Dare parakabvunza Mthokozisi kuti sei akabira sekuru vake, akati aida kuzvitengesa kuti awane mari yekuendesa kumafaro neshamwarikadzi yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey