Uncategorized

Afa achihukura sembwa

12 Apr, 2022 - 17:04 0 Views
Afa achihukura sembwa Akafa achihukura

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaGutu, kuMasvingo – uyo kubva gore rapera aihukura sembwa mushure mekunge aba imbwa – ari kunzi akazoshaya mwedzi wadarika.

Peterson Chamutengure, wemubhuku raChimutando riri kwaMambo Chitsa, anonzi akaba imbwa mudunhu iri uye zvinofungidzirwa kuti akazogadzirwa nemishonga ndokutanga kurwara achihukura sembwa.

Sahwira wemurume uyu, VaMunyaradzi Marange (32) vanovawo muvakidzani wemhuri iyi vaudza Kwayedza panhare kuti mumwe wavo akazoshaya nekuda kwehurwere uhwu.

“Ini ndinogara pamusha wakavambirana newaChamutengure uye gore rakapera murume uyu akauya pamusha pake nembwa inofungidzirwa kuti akaiba. Varidzi vembwa iyi vakaitsvaga vakaiona kumba kwake vakataura kuti vaida kuripwa nemombe 15 idzo murume uyu akashaya.

“Ndipo paakazotanga kurarama sembwa achihukura nekurara panze,” vanodaro VaMarange.
Vanoti hurwere hwemurume uyu hwakazoramba huchikura ndokugumisira ava kurwerwa rute kana kuti masiriri sezvinoita imbwa.

“Inyaya inorwadza, murume uyu akazofa tikamuviga kuno kumusha. Asi hazvina kuzofamba zvakanaka kumhuri yake, mudzimai nevana vakazotama kuenda kumusha kwemudzimai kuTsholotsho.

“Kutaura kuno pamusha uyu hapana vanhu, asi nyaya iyi yakasara iri mumaoko mamasabhuku nemadzishe kuno sezvo vakabirwa imbwa ava vari kuramba vachiti vanoda mombe dzavo 15 kubva kuhama dzemurume uyu,” vanodaro VaMarange.

Vanoti mushakabvu asiya vana vaviri vanoti chindumurwa neari kuita Grade 5.

“Kuno kwakasara munin’ina wemudzimai wake, ndiye ari kuziva kuti mukoma wake nemhuri vakaenda kupi. Nyaya hombe ndeyekuti vana vemurume uyu havana kana chekubata, dzimwe nguva inhamo yaiva yaita kuti abe imbwa iyi achida kuzotsvaga cheuviri kana kuzoitengesa.

“Munhu akagadzira murume uyu hatimuzive, zvinogona kutozivikanwa nevaanonzi akabira imbwa vacho,” vanodaro VaMarange.
Vanoti kune vanhu vakawanda vari kuridza nhare kwavari vachiti vanoda kuvabatsira kuti vavape mari kana kuti varape murume uyu sezvo vasiri kuziva kuti akafa.
“Vanhu ava ndiri kuvataurira kuti munhu wamunotsvaga akafa, takatomuviga uyewo nhare yaaishandisa ndeyangu. Iye anga asina foni zvose nemudzimai wake,” vanodaro VaMarange.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey