Akaba marata epachechi

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MBAVHA yekubatwa nemhosva yekuba marata masere echechi yeZion kuChitungwiza ayo anokosha $110 yakatongerwa kubhadhara mari yekuadzosera.
Shelton Mukoko (29) akamiswa pamberi pamutongi Lazarus Murendo wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Muchuchisi Zuvarashe Mushayabasa akaudza dare iri kuti Mukoko akaenda pachechi yeZion iri kuUnit J, kwekare kuChitungwiza mambakwedza emusi wa23 Gunyana gore rino nechinangwa chekuba marata epo. Akakwatanura marata aya ndokuenda nawo kunotengesa ndokusara rata rimwe chete raikosha $30 iro akazodzoka akabata rakazozivikanwa naEmilia Chinaka uyo anopinda chechi iyi zvekare achigara munharaunda imwe chete nembavha iyi.
Chinaka akazoudza mumwe wekuchechi kwavo, Simbarashe Togarepi, wepa 5558 Unit J, izvo zvakazoita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa.

Pakumira kwaakaita mudare, Mukoko akabvuma mhosva yake pasina kukakama.

Mutongi Murendo akashora hunhu hwaMukoko hwekubira chechi achiti nyaya dzehumbavha hwakadai dziri kuwanda.

Mukoko akanzi abhadhare $80 kuchechi yeZion yekutenga marata aakaba uye kukundikana kwake aizonodya refovhoro kwemwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey