Kwayedza
Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wekuDomboshava ari kurapwa muchipatara cheMakumbe mushure mekunge apunzirwa pasi nehoromba yegudo, ndokumugara matunduru richibva ramushagada kumurova apo mamwe akawanda ainge akamukomba achichema.
Mai Magarate Mashawiro (49) – avo vanogara mubhuku raSasa, kwaMambo Chinamhora – vanoti nyama dzemuviri wavo dzichiri kurwadza zvichitevera kurikitwa kwavakaitwa negudo iri.
Izvi zvakaitikira pamusha pemukadzi uyu mushure mekunge amboona rimwe remakudo aya richifamba mujinga megomo richibva nekuchiro rakafuga jira dzvuku mumusoro.
. Onai nyaya iyi izere muKwayedza resvondo rino.