Uncategorized

Akachemera kuona chitunha chemutorwa…usiku, uye kuchitora mifananidzo

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
YAKAVE batai-batai pane imwe nhamo yemwana mudiki mumusha weKuwadzana 5, muHarare, nguva pfupi yadarika apo mumwe mukadzi mutorwa ari kunzi akachemera kuona chitunha uye kuchitora mifananidzo mufi achangotandadza. Izvi zvinonzi zvakaitika kaviri panhamba 3955 — mangwanani nemanheru — zvikasiya veruzhinji vaivapo vaine mibvunzo.

Mukadzi uyu, uyo anova muvakidzani, anonzi pakashaika Brian Maara (16), iye akabva kumba kwake ari chahwiriri achichema ndokusvika kunopinda mumba maiva nechitunha nechisimba achiti aida kuchiona.

Sekutaura kwehama dzemushakabvu, pakaita basa guru amai ava vachirwisa vanhu nekuvadhonza kuti vapinde chete kunoona chitunha vachiti nguva yavo yekuona mufi uyu yaiva yakwana.

Asi mukadzi uyu, uyo akakumbirisa kuti zita rake risabude sezvo achiti ari kutora matanho panyaya iyi uye zvinomusvibisa, anoti uku kusvibiswa chete kwezita rake nehama dzemufi zvisinei kuti akabvuma kuti akakumbira ruregerero nekuda kwenyaya iyi mushure mekutsiurwa nekutukwa nehama dzanyakufa.

Kwayedza yakaita hurukuro nevanhu vane chitsama vemumhuri yemushakabvu avo vakatsinira nyaya yekuti mudzimai wechikuru uyu akachemera kuona chitunha chemutorwa.

Sekuru vemufi, VaJames Chitsamba, vanoti vakashamisika apo mukadzi uyu aiti aida kuona chitunha nguva yekuona mutumbi uyu isati yakwana.

“Izvi zvakandishamisa, chero nevanhu vaiva mumba imomo, nekuti vachibva kumba kwavo vakangobva vachichema kuti vaida kuona chitunha kuti vatore mifananidzo. Mwana achangofa vakanga vava kutoda kuona mutumbi wake uye rakaita bikitira kuti vasasvika pachitunha nekuti vaitonetsa zvekuti vanhu vaiva mumba vakazobatsirana kuvadhonzera panze.

“Ini ndinofungira kuti pane zvavaida kuita zvechivanhu nechitunha chemwana wedu nekuti chero paairwara vakambonetsa vachiti vaida kuti auye kuzogara kumba kwavo vachimupepa asi handizivi kuti chinangwa chavo chakanga chiri chei.

“Mifananidzo yacho handizivi kuti vaida kuita sei nayo. Zvimwe zvakandishamisa ndezvekuti vaitonetsa vachiti, ‘Ndoda kunyatsoita wekubata ndinzwe kuti anyatsofa here’. Vaitiwo, ‘Ndoda kunyatsoongorora muviri wake wose kuti chii chaizvo chamuuraya’ zvisinei nekuti ivo havaiti zvekurapa ,” vanodaro VaChitsamba.

Mainini vemushakabvu, Mai Kudzanai Chitsamba, vakatsinhirawo nyaya iyi.
Vanoti mukadzi wekuchemera kuona chitunha pakati pehusiku uyu akasvika pakutopopota nekuti akanga arambidzwa.

“Paakatanga kunetsera kuona chitunha musi wakashaika mwana, aiti ‘ndoda kuona mamiriro akaita chitunha ndiudze mukoma wababa vacho’. Ipapo pacho akaita hondo achiti ndoda kunyatsoona chitunha ndichivhura nditumire mifananidzo yacho kuna babamukuru vacho. Hatina kunyanya kuita basa nazvo, takangoti pamwe kuita kwemunhu arwadziwa nemuvakidzani wake.

“Hatina kuda kuzviisa mupfungwa nekuti tose taichema. Chakazoshamisa ndechekuti musi weMuvhuro pakati pehusiku takarinda chitunha uye kusina magetsi, vakabva vati, ‘Ndokumbirawo kuti muvhure bhokisi ndoda kuona mutumbi wemwana wose nekuti ndoda kutumira mifananidzo yacho kuna babamukuru vemwana vari kuda kuona kuti akafa sei’.

“Pavakataura pekutanga hatina kuita basa nazvo asi vakazodzokorora vaona kuti hapana akavapindura. Ndipo pavakazotanga kupopota nekuti takavarambidza. Zvakatishamisa nekuti pakanga pari pakati pehusiku uye vaiona sei kana kutora sei mifananidzo yechitunha iko kwakanga kusina magetsi?” vanodaro.

Vanoti vane fungidziro huru yekuti mudzimai uyu pane chivanhu chaaida kuita.
“Mai ava ndinofungidzira kuti pane chivanhu chavaida kuita vachitumwa kana kushanda pamwe chete nedzimwe hama dzemwana wekufa uyu. Pane vamwe vakazokumbirawo kuti pane chivanhu chavaida kuita pamutumbi manheru iwayo ini ndikavarambidza nekuti mwana akanga afira mumawoko mangu, ivo havana kuda kuita hany’a nekurwara kwemwana.”

Sahwira wemhuri yemushakabvu, Forget Shamhuyarira, anoti iye mumwe wevakarwisa mukadzi wekuchemera kuona chitunha apo aiita nharo achiti aida kuona mutumbi uyu.

“Kuchema kwakaita mai ava vachida kuona chitunha kwakadarika kuchema kweafirwa. Takasundidzirana navo, hatina kuzvinzwisisa kuti chikonzero chakanga chiri chei nekuti vaitoita zvehasha,” anodaro.

Asi mukadzi uyu ari kuramba nyaya yekuti akabongomora kuchema achiti aida kuona chitunha chemutorwa.
“Ini ndakaenda parufu sezvo ndakanga ndanzwa mhere ndikangochemawo sezvaiita vamwe. Iyi nyaya yekuti ndakachemera kuona chitunha manyepo ekundivenga kwavakaita vana ava. Ndaichema ndichienda kwakanga kuine mufi ndisina kuzviona. Ndipo pandakatanga kutukwa ndichinzi, ‘Muri kuenda kupi hamusi kuona kuti ndipo pane mufi here?’

“Amai vemwana akashaya uyu nemunin’ina wacho ndivo vakatanga kundituka vachiti ndaidirei kuona chitunha uye ndipo pandakakumbira ruregerero kwavari nehama dzacho mushure mekunge ndatsiurwa.

“Nyaya yekundinyepera kwavari kuita iyi iri kundishungurudza nekuti handina kumboda kutora mifananidzo. Vanababa vemufi vaitouya kuzobikira kumba kwangu nekuti vaiti kwakaitikira rufu kwanga kwakawanda vanhu zvisineiwo nekuti vakanga vasiri kuwirirana kumba kwavo ikoko nenyaya yemafiro akaita mwana. Vanenge vakanga vava kuita kuramwaidzana mwana.

“Ini ndakatozopedza nyaya ndikati handichadzoke parufu pacho, ndipo pandakazoenda kuchechi zvangu nekuti ndakanga ndava kunyara chaizvo nezvaitaurwa pamusoro pangu nevanhu,” vanodaro amai vekupomerwa kuda kuona chitunha ava.
Vanoti ivo nevabereki vemushakabvu vagara vasingawirirane.

Zvisinei, mukadzi uyu akazochaya nhare kuKwayedza nemusi weChitatu chino achiti ainge akwidza nyaya iyi kumapurisa.
Kusvika pakadhindwa bepanhau rino, tainge tisati tanzwa nemapurisa emuHarare kana nyaya iyi yakamhan’arwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey