Uncategorized

Akafa adzipwa nenyama

27 May, 2021 - 14:05 0 Views
Akafa adzipwa nenyama

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME aigara kunzvimbo yeMt Hampden Compound pedyo neguta reHarare anonzi akafa mushure mekudzipwa nerunda rwenyama yemombe iyo aidya.

Solomon Moyo (35), uyo anonzi ainyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Cobler uye achiita basa rekukanya zvidhina nekutengesa, anonzi akadzipwa nerunda apo aidya nyama iyi ari oga pabasa.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nyaya yekufa kwaMoyo vachiti anonzi akangopunzika ndokufa.

“Tine murume ainzi Solomon Moyo akangopunzika achibva afa kuMt Hampden. Mamwe mashoko anoti akadzipwa nenyama, mamwe achiti akafa nedoro rekachasu nerimwe iro anonzi ainyanya kunwa,” vanodaro Insp Chazovachii.

Takudzwa Katsande (28), uyo aishanda naMoyo, anotiwo mumwe wavo akafa adzipwa nerunda rwenyama yemombe.

“Mumwe wedu uyu ainyanya kunwa doro rekachasu, musombodhiya nerimwe risingabvumidzwe nemutemo semutoriro. Musi uyu ainwa zvake doro ndokuzouya akatakura nyama yaiva yakagochwa papepa. Akazodzipwa ari padyo netangi remvura apo akamhanya ndokusvikoisa nyama padyo netangi achida kunwa mvura.
“Asi, mvura haana kukwanisa kuinwa achibva angopunzika ndokufa ipapo,” anodaro Katsande.
Anoenderera mberi achiti, “Paaidya akadzipwa nerunda rwuchibva rwangomubata pahuro zvikaita kuti arasikirwe neupenyu. Takarasikirwa zvikuru isu vekuno kuMt Hampden nekuti aiva munhu wevanhu.
“Paakadonha, vanhu vakaungana tikaita nguva inoita maminetsi 30 tichifunga kuti achamuka asi zvikaramba. Takazoridzira nhare hama dzacho baba nemunin’ina wake nevamwe vakauya.”
Moyo anonzi aida doro zvakanyanya.
“Mumwe wedu aida nyama nedoro iyeye. Ainge akamboroora akazorambana nemudzimai nekuda kwekudhakwa mugore ra2015 akasiirwa mwana mumwechete. Mutumbi wemumwe wedu wakazoendeswa kupurazi reBell Inn uko wakanovigwa,” anodaro Katsande.
Mutumbi waMoyo unonzi wakavigwa nemusi weChitatu svondo rakapera.
VaNever Solomon (60), vanova baba vaMoyo, vanotsinhira kuti kune mashoko ekuti mwana wavo akafa adzipwa nenyama.
“Mashoko ekuti mwana wangu akafa adzipwa nenyama ari kutaurwa nevanhu vaaigara navo avo vakaona zvichiitika. Nyama yemabhonzo patakaenda tave kunotora mutumbi takaiona iyo anonzi aidya. Zvino hatigone kupikisana nezvakataurwa nemachiremba vanoti mapapu ake akanga apera nekuda kwedoro raainwa rekachasu, musombodhiya nezvimwe zvinodhaka,” vanodaro VaNever Solomon.
Julius Solomon (26) anove munin’ina waMoyo anoti vakazongoridzirwa nhare nemusi weSvondo vachinzi mukoma wavo aiva angodonha ndokufa.
“Takashevedzwa kunzi hama yenyu yadonha kuno, takanosvika ini nababa vedu tikamuwana atofa kare. Vanhu vaitaura kuti aiva adzipwa nenyama paine nyama yemabhonzo yaiva padyo netangi remvura paanonzi aida kunwa mvura adzipwa,” anodaro Julius Solomon.
Anoti vakazotakura mutumbi uyu vakaenda nawo kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko wanoongororwa nanachiremba.
“Machiremba vakaita basa ravo vakatizivisa kuti akafa nekuti mapapu ake akanga apera nekuda kwedoro zvikaita kuti afe,” anodaro Julius Solomon.
Mai Mariyana Solomon (36) vanove hanzvadzi yaMoyo vanotiwo, “Ehe anonzi akadzipwa nenyama, dzimwe nguva akangopunzika akabata nyama yake ndokunzi adzipwa nenyama. Machiremba vanoti anga asisina mapapu zvakakonzera rufu rwake.
“Zvimwe zvinotaurwa izvi hamheno vaaigara navo ndivo vanoziva. Pane mamwe mashoko anoti imwe hanzvadzi yedu yakafa yanzwa zvekufa kwaCobler asi handizvo. Munhu uyu aitorwara zvake nenyaya dzekunwa doro risingabvumidzwe zvakare ainzi Nicholas Muchinja (33) uyo tiri kuviga nhasi (Muvhuro wadarika) papurazi rino,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey